id
string | title
string | text
string | language
string | genre
string | region
string | source
string | tokens
int64 |
|---|---|---|---|---|---|---|---|
shona_story_4
|
Shona Story 4
|
STORY By tete Manjex (Mai Mike) Chapter 15 . Shumie . Kutaura chokwadi zvinhu zvaive zvakuitika pekwaMuchemwa zvaive zvakundiremera . Tongoti pamwe zveuroyi zvirinani hazvo ; ko zvambuya Muchemwa zvekuzoda kuzonwa mushonga after vanzwa kuti ndaive ndanzi ndinobvisirwa nhaimi ?, ugoona ndaive ndafara veduwe nekuti ndicho chaive chagara chiri chishuwo changu kuti bhudhi namaiguru vangu vawanewo something chinobva kwandiri pakundikurisa kwavakaita . Zvinenge zvisiri izvo zvavaive vakatarisira havo but zvinenge zvichitova nani pane kuti zvinzi ndangomitiswa vobva vashaya kana chidiki chavawanawo . Zvino mhepo dzacho dzaive dzasimuka nekumadokero chaiko. Zuva iri ndiro randazoona kuti vamwene vangu vaindivenga zvisiri zvekufungidzira nekuti kana vairwadziwa nekuti ndinzi ndanobvisirwa pfuma apo ndakatakura muzukuru wavo mudumbu mangu zvinhu zvakangooma . Ndipo pandakazova sure kuti kumboita kwese kwavanosimboita kuya kwekunge vanondifarira l kunenge kuri kupretender . Ndofunga vaitonditsvagira zano svinu chairo rekuti ndibve pamusha pavo musoro umire sewemhakure ndizvo vaingoita semamiriro ekunze kungochinja chinja . Zvino ndaive ndakuvaziva hangu . Zuva iri ndaive ndafunga kuenda . It was better kuti nditetereke nenyika than kuti zvinzi ndamanikidzira kugara pamusha pemunhu asiri kundida zvekusvika pakuda kuzviuraya . Zvino Nyasha akati bodo hapana kwaunoenda . Aive akundida Nyasha zvekuti chero ndega ndaive ndakunyatsoona kuti ndinodiwa . Chero mafariro aaiita paaibva kudanga mushure mekunge audzwa kuti aifanira kunoroora nemukoma wake ndega ndakanyatsoona kuti nhau yacho inenge yaitomudyawo achizvibvunza kuti ndichaita sei zvandisinawo chinhu ?. Zvino apa akaratidza kuti bhudhi vake vaive vamugonera chaizvo . Chimwe chandakanyanya kufarira ndechekuti dzimwe hama dzose dzaive dzaudzwa nezvangu dzaive dzaratidza kuti dzaive dzandifarira . Vanhu vandaive ndisingazive kana vaive vaudzwa ndivo vana tete . Atleast apa ndakaona kuti zvaive nani kuti ndivengwe nemunhu umwechete asi vamwe vose vachindifarira . Paizogarika zvapo nekuti murume wangu Nyasha aimira neni kwete zvekutamba . Haisi nyore kuti munhu asvike pakuudza mai vake kuti imwai mushonga mufe mukadzi wangu hapana kwaanoenda . Saka zvega izvozvo zvakandipa simba chairo ndikazviudza kuti ndaizogara chete . Kana vari sekuru bhudhi vavo vakavaudzisa chaiko zvekuti dai vari umwe munhu vaichinja maitiro . Zvino kungachinja vamwe kwete type dzana mbuya Muchemwa idzi . Ava vaive vekutongotambira kure navo nekuti waigona kungokuduburwa munhu zvikave pasi . Pavakaenda kubedroom kwavo kunorara nesu takangosara Nyasha achipedzisa kubika tichibva tadya ndokubva tanorara . "Ngatinamatei " ndakadaro tichibva tapfugama ndokubatana maoko tonamata . Regai ndingoti ndini hangu ndainamata nekuti Nyasha aive akanyarara but kutongobvuma kubatirana neni ikoko kwaive kwakaringana nekuti zvairatidza kuti ainamatira mumwoyo . Umwe anotoshaya confidence chaidzo dzekunamata vanhu vachinzwa obva anamatira mumwoyo . Tichipedza takabva tapinda hedu mumagumbeze takurara . "Zvinhu zviri right here zvirikuitika izvi babe zvekuti tivate muno mubedroom mevaridzi nekuti zvaratidza kuti mama vaive vanyepa kuti vakataura nanabamkuru ?" Ndakabvunza achibva ati " yaaa vakanyepa but zvinoratidza kuti ivo ndivo vasingatotide kumain house " akadaro ndichibva ndati " ndizvo chaizvo and l blame myself for that but zvakare kuti tishandise imba ino haisi good idea . Ibedroom ramaiguru iri zvekuti hazvitofaniri kudaro . Seni kwandiri bamkuru vatori vatezvara saka kana kumain house tisingadiwe it's better titorara kukitchen imba yevaridzi ivharwe . Ndimo mavanotouya vachizorara imomu kana vauya " Ndakadaro achibva ati " ichokwadi hacho chauri kutaura . Rega tizowacha masheets acho paweekend tobatsirana kucleaner tozosiya tavhara . Isu tinodzokera kumain house ikoko nekuti kwagara ndiko kune room yangu . Hatingambovati mukitchen imba yekurara iriko ka " akadaro ndichibva ndati " it's ok babe thank you nekunzwisisa . Neniwo ndichaedzawo kuita munhu kwaye tisazodzingwe futi " ndakadaro achibva andimbundira nekumashure kissing my neck . Zvaive zvoda kuitika ndaizviziva hangu and l was ready for my husband . Ndakatendeuka kutarisa kwaaive tichibva tasanganisa miromo. Zvaiitika pamiviri yedu tichitsvodana naNyasha zvaisave nemubvunzo wekuti taidanana . The kiss got intense zvekuti taive tobvira tese tichinzwa kuti hazvichabviri. Atleast uku kwaive kure nekumain house saka taiita rudo takasununguka . Akamuka muromo uchingova pane wangu achibva auya pakati pemakumbo ndokuisa ruoko kwakavanzika kwangu . I mourned in his mouth ndichiwedzera kuvhura makumbo . I was so wet zvekuti ndaive ndakunzwa kunonokerwa. Zvino Nyasha romance aiida zvekuti waiti ukazoona opinda unenge wanyatsoibva chaiko . Aigobata pese paangafungire kuti panokunakira zvekuti ndipo pamwe paizobuda mhere ipapo. Zvino apa ndakaona zvanyanya aisa zamu mumukanwa ndichibva ndangobata the little guy ndichibva ndapfekera ndichimuswedza kwandiri nemakumbo angu ndichisimudzira chiuno changu kuti anyatsosvika kwandaida chaiko . Naye dzaive ndangovewo shungu hadzo dzeromance but aive aibvawo kare nekuti the way he groaned paakapinda aive emunhu aive anguva apera . Ndakafemereka ndichiedza kukoka mweya ndichinzwa chikomana chichifema chakazara kuti paa mukati mangu . Iye Nyasha aive angopinda achibva azorora akadaro asina movement yaaita . Ndofunga aidzora ukasha kuti asazokasike arasa mbeu nekuti aiwanzozviita . Zvino ini zvese izvozvo ndaive ndisiri kutombozvida zvachose zvekuti ndini ndakatotanga kuita movement. " l love you " he said achifemereka andisimudza makumbo amaisa pamafudze f*cking me so hard . Ndakafemereka voice richiramba kubuda ndichinzwa kunge ndofa kunge ndorara achibva aita a very deep stroke achiti "l said l love you Shushue " l screamed with pleasure ndichiti "aah !" Akaita a deep strock again achiti " l said l love you " chiuno chaive chotenderedzwa zvino kuita kunge chaive nespring ndichibva ndati " l love you too babe aaah !!! " ndakadaro ndichinzwa ndakuda kuputika . Kutaura chokwadi Nyasha ainaka hake . Bonde airigona zvekuti aiti kana anyatsopedza newe zvakanaka naka waisasara nechikwereti . Taizongovhiringwa hedu nevaroyi vaizotiitisa madzikirira but otherwise dai zvaisava izvozvo , waivata kunge kacheche munhu kusvika kwayedza . "Ndaive zvino ndisisatambe zvandaive ndambotanga ndichiita zviya zvedzungu . Aive ondiratidza zvino kuti iye aive ani ndichibva ndati " Nyasha ndakufa !" Ndaidaro ndichifemereka achibva ati " ifa neni Shushue l love you " ndakaimbongora mhere yekunakirwa ndichiti " Ndakufaaa kani Nyashaaa !!! " ndakadaro nevoice raive pamusoro ndichinzwa zvimwe zvinhu zvaive zvisinganzwisisike kuti ndingati zvii chaizvo zvaive zvakuitika . Muviri wangu waive wakuvibrator kunge hameno . Handifungi kana ndaive ndichiri kufunga zvakanaka nekuti heat yaive kwakavanzika kwangu yaive isingabviri . I think zvakaitika kwe2minutes ndichishaya pekubata uyu Nyasha achifamba kwete zvekutamba kusvika tese tazoti zii takadaro . Chaive chakungonzwika kwaive kufemereka chete. Haaa iro raive rabatwa basa racho kwete zvishoma. "Dzikama Shumi hapana kwaunoenda . Unoda kuendepi uchisiya murume anonaka saNyasha ? " ndakaudza mwoyo wangu kudaro ndichibva ndatoita vow ipapo kuti pana Nyasha ndinofirapo . Chero vaizozama kuita ukiribidi hupi mbuya Muchemwa vaisazondibvisa pamurume wangu hazviite . Zuva iri ndakabva ndatozviudza kuti kana vachifa ngavafe havo . Ivo vaimbozvarirei mwana anonaka ?. Tazorora ndipo paakazodonhera paside pangu achibva andiswedza pedyo naye achibva ati " please promise me kuti chero zvingazorwadze zvakaita sei hauzondisiyewo Shushue?, ndoziva kuti nguva zhinji unenge una mama vangu ini ndiri kuchikoro saka ndinoziva kuti zvakawanda zvinogona kuitika. Ndinokumbirawo kuti uve strong for me babe . Please rwira rudo rwedu . Ukaona panodanana vanhu pobva pashaya chinorwisa hapana rudo ipapo. Pane rudo rwechokwadi chaipo panorwiswa zvekuti kana usina kusimba unogona kutongoita give up ukafadza muvengi. Zvevamwe vasina basa rese avo siyana navo . Ini Nyasha murume wako ndinokuda saka izvozvo zvega zvitori enough kuti uite fight for our love . One day tichaenda kure kure kwatichanogara tiri vaviri pasina anotikanganisa . Iwe neni naTawonanyasha . Nerangu rinofanira kuvepowo pazita rake . Hanty mai Taa ?" Akadaro ndichibva ndagutsurira musoro ndichinyemwerera . Kwaive kungozvinetsa hake asingazive kuti ndaive ndatorovera hoko pekwaMuchemwa ini ndikatozviudza kuti hapana kwandinoenda . Kubvisirwa kana kusabvisirwa ndaimuda Nyasha wangu. "Manje ko kana akazoita musikana imi mati ndiTawonanyasha ?, kumusikana hariite iro " ndakadaro ndichiseka achibva ati" hauite musikana iwe mukomana uyu . Chero ukatarisa zvakaita chiso chako now hakuna munhu anozvara musikana anokwasharara chiso kudaro . Asi hauone chero mapundu aunawo kumeso?; uri tsvarakadenga ka iwe kwete yekuseka , plus unonaka futi " Akadaro achinyevezera munzeve dzangu ndichibva ndaseka ndichiti" hiii usadaro ; kwakuda kundikwidza ndege yemashanga ka uku ?" Ndakadaro achibva ati " so far muno munzvimbo medu handisati ndaona munhu anokupfuura . Une kamwe kakungodadisa kaunako so " akadaro achindiswededza pedyo pedyo naye sezvo ndaive ndakaisa musoro wangu pachifuva chake. Bva kuzhinya kwaive kusiri kwenhamo murimamo . Hakuna chinhu chinonakidza pamwe nekupa manyawi sekuudzwa nemunhu wako kuti ndinokuda veduwe . Chokwadi zvinombobvisa stress handisi kuda kunyepa. "Ndofunga Sunday tirikunobvisa nekuti bamnini vanosimuka kuBindura mangwana makuseni " akadaro ndichibva ndati " zvino kumba vanonoziviswa nani kuti kune vayenzi varikuuya vazogare vakagadzirira?" Ndakabvunza achibva ati " kutaura chokwadi muno muraini handina wandinovimba hangu zvekuti ndingatomuite munyayi ini . Vanhu vazhinji muno kusanganisira zvidhara zvabve zera izvi zvinowirirana namai saka handizozivi kuti pavanosanga vanenge vachirongana kuti chii ?, mira ndizonzwa kuti bamnini baba Gile vanouya vachiti chii ?but so far kutaura idi chairo handina wekunanga " Akadaro ndichibva ndati " yaaa ipapo urikutaura chokwadi . Mirai tizonzwe kuti ivo baba vanouya vachiti chii ?" Takazongowirirana kuisiya yakadaro nhau yacho tichibva tazongobatwawo nehope tichiita nyaya . Zuva iri hatina kana kumbonetswa nemadzikitira . Seni ndaive ndakaneta chaiko zvekuti ndakatozopeputswa negumbo raive rakasimudzwa ndichipiwa zvinhu nemurume wangu . Shiri dzaive dzakutochema panze kuratidza kuti kwaive kwayedza saka paakapedza ndakabva ndamuka ndokugeza chiso nekwakavanzika kwangu kuitira kuti ndizokwanisa kumuka ndiitewo basa repamba . Ndaizogeza muviri ndapedza. Pandakapedza Nyasha akanoteura ndichibva ndauya ndokutira weti mukabucket kaya ndokubva ndatanga kumwaya panze . Atleast zuva iri handina kuonekwa sezvo kwaive kuchakati svibei . Takabuda tese naNyasha akunondibatsira . Aive asingatodi kuti ndiite basa but ndakatomurambira . Aive akutoda kundikanganisa . Takabatsirana tikapedza mama vasati vamuka . Nyasha akageza ndokubva azooneka zvake akuenda kuchikoro . Zuva iri mama vakamuka zuva rabuda . Chero Loca wavaisimbomuka kuzogadzirira zuva iri akatorovha . Ndakavakwazisa ndichitotya kunyararirwa but vakadaira though vaingove low low zvavo . "Nyasha atoenda kuchikoro?" Vakabvunza ndichibva ndati " aenda mama " ndakadaira vachibva vati " zvakanaka, iwe chigadzira unozivisa vekwenyu kuti neSvondo vanhu varikuuya kuzobvisa " pavakadaro hana yangu yakarova zvandisina kunzwisisa kuti waive mufaro here or kwaive kuvhunduka sezvinhu zvandaive ndisina kumbotarisira . "Ini here mama ?" Ndakabvunza vachibva vati " urikuda kuti kuende ani nhai Mamoyo ?" Vakabvunza ndichibva ndati " ndine hurombo kana ndabvunza zvakashata mama . Kungoti ndinoziva kuti nhau dzakadai dzinoda vanyai ndizvo ndatovhunduka but kana zvisina hazvo basa kuti ini ndizviendere ndega hazvina hazvo kuipa " ndakadaro vachibva vati " chitoita nekukasika upinde munzira kuchiri kuseni uzokasika kudzoka " vakadaro ndichibva ndagutsurira musoro ndichitora mvura pamoto kuti ndinogeza . Kuzobvuma uku ndakaziva hangu kuti sekuru vanenge vaive vazonyatsovaudzisa chaiko. Aaa nhai , munhu wepi anongoda kupikisana nevanhu vose iye ari hwani ?STORY#8 FORBIDDEN CLAUSE CHAPTER 24 TERENCE Takafamba tichibuda iye aifamba akadhasharara, takanosvika pamota ndichibva ndamuvhurira door achibva apinda. Ndakarova mota ndakananga ku pharmacy ndichibva ndasvika kwakutenga morning after rangu. Ndakatenga nemvura kwakudzoka kumota ndikati "Ooh inwa" akatambira achibva avhura ndakatarisa kwakunwa ndikabva ndasekerera. Umm ndaive ndapinda busy zvee, ndakanomusiya kumba kwavo ndichibva ndadzoka zvangu ku hotel. Mangwana acho ndaida kufuma ndichidzokera hangu kwamutare cz ndaisada zvekuramba ndichinetsana naye. Asi chakandishamisa kuti saka Momo aitove mhandara, ndakamboedza kuda kudzikisa ma feelings angu paari asi ndakatoona kuti apa ndakuda kumanikidza moyo kuita zvausiri kuda ndichibva ndasiyana nazvo. Ndakatofa phone yangu kwakuenda ku chat ra Tsungi ndakamboda kuisa message asi ndakabva ndangosiyana naye ini. Asi ndaiti ndikamufunga hana yangu yairova zvakasimba, ndakazongorara zvangu mangwana acho kwakutomuka ndichienda kumba. Ndakasvika zvekuma 10 kuseni ndichibva ndanogeza kwakudya ndichibva ndatoenda kubasa. Daddy vaive vasipowo saka bho, ndakasvika kupinda mu office mangu ndipo pakafona Frank zvikanzi "Muri vapenyu henyu" "Ehee hangu ndingawanikwa neyi" "Kubva wati zii kudaro bho here" "Haaa pakaipa king, kuti nditi munyama wandiinawo here kana kuti chii unotozvishayawo" "Ko zvadii nhai" "Aaah pakaipa" "Asi akaramba kani Tsungi wacho kuti mudzokerane" "Haa pakaipa bro zvinhu zvakaitika kaa kuna Tsungi I don't think kuti ndingaita zvivindi zvekumuda ini" "Ko chii" ndakamuudza zvese semaudzirwo andakaitwa naye Tsungi. Akamboramba akanyarara zvikanzi "Saka iwewe wanga wafungei" "Haa bro handidi kukunyepera I think mudhara vaya wakavaona that day handingamboite zvivindi zvekurara naye haa kana". "Saka iwewe chauri kuda kuna Tsungi kurara naye here, uri kumbotii chaizvo" "Obvious kaa ndikaroora ndicharara naye ndipo pandingaroore mukadzi wekupfuya here nhai" "Saka iwewe hauchamudi" "Yaa" "Oky but sometimes usatore decision wakatsamwa Terry paya fut patakasvika achinzi ari kuroorwa wakangoramwa ukabva but now wanga wadzoka futi. Iwewe paya patakasvika kuchinzi ari kuroorwa hanty waitoziva kuti aroorwa na baba ivavo. Saka iwewe chawaida kwaari chii iwe wainyatsa kuziva kuti angaari mukadzi wemudhara uya". Ndakatura mafemo zvikanzi "Zvimwe zvacho unaona Terry, I feel for her hangu kuti now aripapi Tsungi. She don't deserve mu coward akaita sewe, nxii wandibhowa hako saka chawakanomutorera chii kuda kumurwadzisa" "Wakutondituka kaa apa" "Ndotokutuka Terence cz haufunge, wakambofunga here kuti achanzwa sei after waita zvawakaita. Pamusoro pazvo wakufonera mumwe musikana aripo. Do you think kuti ukazofunga mushe ukada kudzokera kwaari achaku accepter fut" "Iii wangu chimbomira kundi lectira kaa hausi lecture iwe aizvee. Asi iwewe ndiwe wakumuda Tsungi wacho, enda kaa uninyenga muzadzwe aids dzemadhara" "Akuudza kuti ndomuda ndiyani, kungoti ndarwadziwa kuti ndini ndakamutsvaga munhu uyu wandinetsa uchiti uri kuda number. Ndakupa wakuita mashura akadaro, unoziva kuti ndakadziwana sei number idzodzo miswa mhani iwe nxii" akabva akata ndichibva ndaisa phone yangu pa table. Ndaive ndakunzwa kutsva muviri wese, ndakanyatsa kudzamisa pfungwa ndichibva ndaisa Tsungi apa. Ndaiti ndikamufunga hana yangu yairova fast zvekuti ndaipedzisira ndakutoita confusion chaiyo. Ndakatora Momo kwakumuisa apa asi moyo wangu waibva watosviba asi pfungwa dzangu dzingondiudza kuti ndiyo type yangu. Ndakatora phone yangu kwakumuisira Frank message ndikati "Bro kana wakarwadziwa nezvandakaita Tsungi you're free kuenda kwaari hako wondotora ini handichadi hangu. I think mh heart belongs to Moleen" "Bho Comrade musi waachakuvhurira hombe uchademba Tsungi. Chimboita hako and pa time yacho Tsungi anenge atove pane rimwe level. Chimboita zvemahure emu Harare" "Haasi hure xaa she was still a virgin futi" Akabva aisa tuma emoji twekuseka zvikanzi "Makambotambwa chadinha here king, dadai nehu virgin hwekunamidzira. Uchangwara hako wakanyanya kudzungaira mumwe wangu". Handina kuzomudaira ini, seems like he was mocking me saka ndakabva ndango blueticker kwakusiya akadaro. Ndakaenderera mberi nebasa rangu hangu, mazuva akafamba handina kuzombotaura naye Frank aitoda kundiona semwana wake kundioona sendisingafunge ndizvo zvandaisada zvekuitwa kunge mwana mudiki neumwe munhu. Takatogara mwedzi wese na Momo taingotaura here and there, so mumwe musi akabva aisa message kuti "Hi" "Mushe uri sei" "Haa handisi bho pakaipa" "Ko chii" "I think I'm pregnant" "How nhaiwe inga wakanwa morning after wani saka yakabata sei, haa ita serious iwe nhai chii chakadaro" "I don't know what exactly happened but zvandiri kunzwa now kaa atori ma symptoms enhumbu chete" "Wangu kaa kana uri kuda kuwirirana neni ita zvekuti ubvise nhumbu iyoyo, I'm not responsible xaa unonyatsa kuziva kuti zvakaitika ne mistake and I told you kuti ndine mukadzi. And iwewe une munhu wako so what's the use of keeping that stupid pregnant. Ubvise hako handisi kuda zvekunetsana newe" "Uri kutamba Terry, you can't just do sex with me kaa wondisiya. Izvozvo zvekuti unemukadzi we shall see ndave pa ground. Handina mimba yandiri kubvisa wakajaira mumwe wangu. And ma messages ako ese ndatofowadha mu family group redu saka usafunge wakangwara. Everyone wekumba kwedu ave kutoziva nezvemimba yako saka hapana. Ndongoita mukadzi wechi 2 hazvina basa". Ndakaverenga message yake several times, ndakatoona kuti ndakaita wrong move chaiyo. Ndakatanga kudikitira ndichibva ndatsvaga chat ra Frank, ndakaisa message asi maoko angu aiita kuhuta aya ndikati "Dude madii" aitove online zvake kana kuvhura message yangu ndakaisa imwe zvee "Frank ndokumbirawo kutaura newe" haana futi kuvhura ndichibva ndaita kufona. Ndakamboramba ndakanyarara kuri kushaya pekutangira zvikanzi "Hello" "Bro" "Zviri sei" aitove cool zvake ndikati "I need your help xaa" "Saka kana mave nema problems ndipo pamunoziva kuti vana Frank variko right" "It's not like that bro" "Saka" "Ndiri pama 1 wangu" "Hanzii" "Momo is pregnant bro" "Saka" haa ende Frank wacho angaakatpipirwa asi semunhu aida help ndakatoti regai ndipfavire ngoma kwakuti "Ndiri kuda advice xaa ndodii" "Handina advice yandinokupa ini Terry" "Bro please, you know what ndaive ndakamuti ndakaroora so apa ndiri kuda kubatsirwa kudzokera kuno Tsungi titaurirane ndibva ndaroora hangu zvekuti kana akazoda kuuya anowana ndine mukadzi" "Saka Tsungi ndiye wauri kuda kukavhisa gape rako, wapedza madhiri ako wahwina womu dumper right" "Amana" "You know what Terry, iwewe chimboita nyaya dzako. Pawakanotorana nehure rako waive wega ndisipo saka why wakundikwanisa munyaya dzako nhai" "Frank" akangoridza tsamwa kwakukata, yaa kana uri desperate vanhu vanokuita yese yese sure. Ndakanyatsa kugara pasi plan yaitobuda apa kuti ndinonyengerera Tsungi ndonoroora hangu. Uyu paaisvika ndine mukadzi chete ndaibva ndatojamuka. Ndakabva ndatobuda mu office kwakusiya ndaudza manager zvaifanira kuitwa ndichibva ndatokwira kuenda kuharare. *TSUNGAI* Mazuva akafamba Terry kana kuisa hake message, kana aifunga kuti ndichamunyengerera haa aitozvinyepera hake. Izvozvo ndaisaita hangu, ini zvevarume ndaive ndisisade hangu. Ndakagara zvangu apa iye mwana wacho kukura haikona, apa aitowedzera kufanana na baba vake zvake. Mumwe musi ndaitowacha zvangu hembe dzemwana wangu kuseri ndipo pakauya mama zvikanzi "Mainini" "Mhaa" "Pane munhu ari ku gate uko ari kuti ari kukumbifa kukuonayi" "Munhu, ndiyani iyeye" "Handizive ini endai munomuona" "Ati anonzani" "Haana kutaura uyu" Hana yangu yaive yakurova ko ndiyani ko iyeye aiziva oabasa pangu, and anongouya asina kutaura. Ndakatombofunga kuti zvimwe ndivana mama vaive vauya kuzovhiringa basa rangu. Ndakafamba kuenda ku gate ndichibva ndavhura kwakubuda, ndakaona pasina munhu ndakutoda kudzokera ndipo pandakanzwa "Tsungi" ndakacheuka, ndakanzwa kusvotwa ndamuona Terry achiuya. Handina kuda kumusekerera ndakabva ndati "Ndiwe wanzi uri kundida" "Ehee ndokumbirawo kutaura newe" "Kwakanaka here" "Mai Ju" Akadaro achida kundibata ndikamusundira kure ndikati "Ndisiye please, ukuda kundibatirei" Haana kutaura akabva apukuta kumeso kwake zvikanzi "Tsungi" "Usangorambe uchiti pwungi pwungi kunge usina kukwana, taura nyaya yako ndiri kuda kudzokera kubasa ini" "Babe" akada kundibata ndakanyatsa kumusunda zvikanzi "Ndokumbirawo ruregerero pane zvese zvandakaita Tsungi, ndichiri kukuda. Kubva paya handina kumbowana peace kubva day riya. Please Tsungi ndiri kutaura zviri kubva pasi pemoyo wangu chaiko" ndakanyatsa kumira zvakanaka ndichibva ndagumbata ndikati "Kana waona kuti zvawanga uri kuronga zvaramba ndipo paunofunga kuti kune benzi riye rinonzi Tsungi. Manje kana zvirizvo zvawavinga pank wairasa, handisisiri Tsungi wamajaira kuita bhora. Handina basa newe ini Terry handina kumbokuchemera kuti ndiri kuda kuroorwa kana kudii, ndofunga uri kuona kuti ndiri kutosimba. Saka dai uri mumwe wafamba hako wabva pano wondisiya ndichizvishandira wanzwa" "Babe chimbomira kudaro, I love you Tsungi" "Hazvimbofi zvakachinja kurara kwandakaita na bamukuru vangu, handiti musi uya wakatsamwa ndakuudza kuti ndaivata na bamukuru. Saka chii chachinja mnje" "Chirega kudaro babe, ndinokuda nemoyo wese but kungoti musi uya handizive kuti chii chakaitika ufunge" "Ukanyatsa kufonera mumwe musikana ndiripo, xaa kaa famba uende shamwari handichina basa newe ini. Ndakatopera basa kudhara ini zvevarume handichina basa nazvo ini". Ndakabva ndafamba kwakupinda mu gate ndichibva ndavhara kwakufamba kupinda mukati. Hameno kuti akasafa achidii ndichibva ndanopinda mumba, ndakanogara pa bed kwakutanga kufunga. Kutaura chokwadi Terry ndaimuda but kuti ndingoti pese paanenge adzoka ndomuregerera ndakatoona kuti ndinenge ndaita loose. Saka ndakatoona kuti regai ndimbomujamukira anyatse kuona kuti handisi simple like zvaaifunga. Ndakazobika zvemanheru mama ndipo pavakauya ku kitchen zvikanzi "Muri kudiwa ma daddy mainini" hana yangu yakatanga kurova ndikati ko ndaresvei zvee. Ndakafamba kuenda ku dinning ndichibva ndanogara pa sofa ndikavamhoresa zvikanzi "Munhu ari ku gate uko ndiyani wenyu nhai tete" ndizvo zvavaindiita ndikati "Handisi kuziva ini kunani" "Pane murume hameno mukomana here, ndasvika ndichida kupinda akagara pa gate. So ndamubvunza kuti ndiwe ani ari kuti ari kuda imi apa ndasvika zviri kunzi auya masikati chaiwo. Saka ndiri kuda kuziva kuti inyaya dzeyi dziri kuitika panapa" vakadaro baba vacho ndikati "Kutaura chokwadi baba kaa handisi kutoziva kuti ari kudei ini. Ndataura naye masikati ndikatofunga kuti tapedza isu handina kuziva kuti acharamba aripo ini" "Muchiri kuda basa here tete" "Basa ndorida baba" "Ndokumbirawo munotaure nemunhu wenyu abve pa gate pangu, muchandiunzira mbavha pano imi" Vakadaro vatotsamwa zvikanzi "Handisi kuda kuona munhu ipapo endai munopedzerana nemunhu wako" "Ehoni" ndakabereka mwana wangu kwakufamba kubuda panze. Ndaida kunomushaudha ndizvo zvaaitsvaga kaa kuti awane kundidzingisa basa imbwa yemunhu.
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 3,235
|
shona_story_1
|
Shona Story 1
|
.SFNS-Regular_wdth_opsz140000_GRAD_wght2580000; HelveticaNeue;;;;;*lortbl;;;;factor0 STORY#6 KUKOHWA RUFU factor0 Stories by: Honorable Chingas Chapter 11 Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri. Ndaida rubatsiro apa. Game guard ava ndaifanira kushanda navo parizvino, pane rubatsiro rwakakura rwandaizoda kubva kwavari. Ndaida futi kubata Kena kuJoni. Kena ndeuya aishanda saSecurity guard pamba paboss Zephe pandakatanga kushanda paye. Kena aifanira kundohwandisa mhuri yangu Shefu vaya murungu vasati vasvikako. Kena aive ave kushanda saPrivate investigator futi pacompany iya yandakadzingwa. Ndofonera mapurisa here?. Imwe pfungwa yakandiudza kuti ndimbomira kufonera mapurisa, munogona kudaro mune nyoka mumapurisa umu. Ndaifunga izvi apo ndaienda kundotora Game guard uya pandaive ndamusiya. Ndakamusheedza achibva abudikira achiuya kwandaive. "Pakaipa wangu, tave kundotora mota tindopisa zvitunha tobva taenda kwaChecheche" ndakadaro achibva abvumira. Ndakapfeka magirovhosi ndokupa mamwe game guard taiitira kuvhiringa mafingerprints ndichibva ndapinda mumba ndokutora machisi nepeturu 20 litres yaiva mumba. Ndakananga kumota ndokuisa chigubhu chepeturu kumashure kwaiva nezvitunha. Ndakatyaira ndichitaura nagame guard ndichimusimbisa. Handina kuda kumuudza zvizhinji asi kungoti ngaashande neni. Takapinda muchakasara chesango tichishandisa kanzira kaionekwa zvishoma. Nzvimbo iyi yaitaridza kuti haisvikwi svikwi. Takaburuka ndokubva ndatora chigubhu chepeturu ndokudira mota yese nezvitunha. Ndakabhara machisi ndokuikanda. Pakaita kuputika nekuvirima kukuru kwemoto. Takamhanya taakudzokera kundobata nzira yaizotisvitsa kwaSave kurwizi. Kunze kwange kwaakuchena apo takasvika panokwirirwa zvikepe. Zvekutuhwina ikozvino zvaisaita nekuti game guard vaive vasingazvigoni. Mushure mekubvisa nhumbi dzaguard dziya, ndakazvidira mvura ndokupfeka nhumbi dzangu. Ndakabudisa foni yangu ndokubata Ambai kuti azotiyambusa. Akauya zuva raakutobuda ndokuyambuswa. Nyaya yandaive ndatarisana nayo yaive hombesa. Handina kufungidzira kuti ingandisvitsa kwakadai. Mushure mekuongorora maFoootages pacomputer, ndakarara pamubhedha mumba mangu ndokufonera Kena kuSouth Africa apo game guard vaya vachibika mukitchen. "Kenias Chinyimo. Wadii" ndakadaro. "Ndiri bhoo, warova mukomana, boss Zephe vange vachitombotaura nezvako nhasi chaiye. Hanzi ndakushuva" "Inzwaka Kena, paita emergency inoda iwewe. Pane nyaya yandiri kutamba kunoku yakakomba, ndodawo help yako. Ndokumbirawo uende kuAlberton undotora mhuri yangu uivige. Pane munhu arikuuya kuzoiuraya. Kutaura kudai atosimuka kubva kunoku or anogona kungofonera munhu ondovauraya. I am worried shamwari". Ndakamurondedzera masvikiro aanoita. Mudzimai ndakamufonera ndichimuudza kuti pane aizovatora. Akambonetsa kunzwisisa asi ndakazama nepandinogona napo kuti abvume. Taakudya ndakakurukura naGame guard. "Zita rako unombonzi ani" "Ndinonzi Zviba, Zvibatsirei Mapato" akapindura guard. "Tinofanira kudzokera kuHumani nhasi. Hatina nguva." Ndakadaro ndikaona Zviba oratidza kutya. "Hamuzorori saka, tirikundodii ikozvino kuHumani, ini ndatotiza basaka dai ndisina kufonera shamwari yangu paya kuti ivhare vhare varungu paitoshata". Zviba ainge asingachadi zvekudzokera kuHumani. Zviitiko zvaakaona nazvino zvaingomuvhundusa. "Tinoenda usatya. Ko anoshanda saManager paHumani anonzi zita rake?" "Anonzi Tommy, murungu zvakare,vazhinji vakamupa nickname yekuti sekuru Bveni, Sekuru Bveni ndoravanonyanya kuzikanwa naro". "Arikudyidzana nemhondi, ndiye watiri kufambira ikoko, toda kumubvunza. Anowanzowanikwa panzvimbo dzakaita sei" "Anowanzotambira pazvimabhawa zvemukomboni pakati paya apa, anodanana nemusikana anotengesa muchibottle store cheipapo. Sometimes anowanzoenda kuChiredzi kunenge kune munhu wake zvekare ikoko, haaiti 2 days asina kuenda kuChiredzi" akatsanangura Zviba. "Ko iwe foni yako irikupi" "Foni ndakaisiya kumba kukomboni ichichaja. Ndosaka ndatokumbira yenyu paye pandabata shamwari yangu. "Fonera shamwari yako uchiikumbira kuti ibvunze kuti Sekuru Bveni varipo here, usaita zvinoita kuti shamwari yako ive nemibvunzo". Zviba akafonera shamwari yake. Mhinduro yakazouya mushure mechidimbu che awa. Sekuru Bveni vainge vachangobuda kuenda kuChiredzi, vakabuda nemota yavo pickup chena. Saka taifanira kundovagarira munzira vaakudzoka. Takatenderana kuti taizovamirira muroad inobva kuChiredzi. Aiwanzobva kuChiredzi kuma 3pm saka kuma around 4 anenge ava pakati apa. Ndakatarisa nguva ndikaona dzichiti 08:37am. Taifanira kubva muno maChecheche kuma past 1. Takambozvipa nguva yekurara. Ndakadzima foni imwe iya inema number andaifonerwa nevanhu vaida kuzotakurwa netax. Macalls acho ange onyanyisa. Ndakaseta alarm kuti timutswe na 12:15. NaExactly 12:15, alarm yakachema. Takamuka ndokugeza ndakatora midziyo nezvombo zvekushandisa kuhondo ndokuzviisa musatchel. Ndakavhura WhatsApp ndokuwana mune mamsges akawanda. Ndakapindura ese, ndakaenda paGroup reCombined Checheche Residents ndikawana nyaya yemota yakatsva kuHumani musango ichitsviriridza, vamwe vaiti nzou ndodzakakonzera kutsva kwemota vamwe vakati maGame guard ndookapfura mota. Mapurisa ndoandange ndaakuzomirira kunzwa kuti anotii. Ndakatakurawo nemari yakawanda just incase pane paingazoshanda. Takapinda murank ndokunanga paGreen market pachiimba chiya taakundodya sadza pamai Tatenda. Aibika mukunda wangu. Ndakafonera mudhumeni wekwaGudo ainzi Tenda kumhiri kwaSave kuti andipewo mudhudhudhu wake. Haana kuita nharo nekuti mari aiidisa. Takawana akatigarira pamhiri perwizi, ndakawedzera peturu pamagirosa epaGudo clinic, ndakakera Zviba ndokurova nzira takananga kunzira kwataindogarira manager wepaHumani. Zviba ainwa super yake arikumashure kwemudhudhudhu. Takananga nemuLavanga ndokundobudira kuHomestead nemugwagwa unoenda kuChegwite. Road iyi yaindogurana neiya inobva kuchiredzi tichangodarika paHomestead. Ipapo padzinodimburana ndopataida. 3:17pm tange tasvika. Ndakapaka mudhudhudhu pakavanda ndokubva tagara pamumvuri paibata network zvishoma tichiterera kudhuma kwemotokari. Ndakabudisa mabinoculars angu ndokuongorora nzvimbo. Paiva nesango chairo apa. Pakadarika motokari yaibva kudivi rekuHumani ichienda kuChiredzi, iyi hatina kuita hanya nayo iyi. Chandaiva ndave kutya inyati nekuti nzvimbo iyi hanzi dzainge dzakawandisa, idzo tsoka dzacho dzaitoonekwa kudhinda pese pese. Kwakapera rinenge awa rese tichingokurukura. Mhunhaurirano yangu naZviba ndakabata zvakawanda, ange amwira mwira saka ange odururura kutaura. Sekuru Bveni vaive nenyaya. Ndakavhura kuWhatsap ndokuona Kena ari online anga aisa ma messages matatu ese. "Shamwari very sorry, mhuri yako hakuchina, ndazama kukufonera but you were not reachable. Ndawana vakafa vese vari vatatu. Rega ndikuisire mifananidzo yavo. Vaurawa ndokuzendamiswa pamasofa. Ndodeedza mapurisa here?" Message imwe yaidaro. Ndakanzwa dzungu ndikabuda dikita. Ndakati ngondongondo kugara pasi. Iii chokwadi rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguvo. Asi pachapwa madziva, miramba tichanyurura.
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 830
|
shona_story_12
|
Shona Story 12
|
STORY#12 KUKOHWA RUFU Honorable Chingas Chapter 13 Rukesheni rweCresta rwaiva kumavirira kweRandburg. Nzvimbo iyi ndakamboisvika, ndorangarira ndokwaigara Matshego umwe wema Directors eIP Services. Zvaitoreva kuti musha wemhondi waiva padhuze nawavo because ivo vaigara pa 49 Peter Place street. Misha yemu Cresta yakavakwa zvakarongeka, maEven numbers aiva divi rawo then Odd numbers divi rawo, Peter Place street pakati. Nhasi ndaifanira kushanyira mhondi iyi. Kuuraya mhuri yangu zvakadaro. Ndakafonera Kena kuti awane access yeSpecial computer yepa IP Services atsvake nezva Rulani Tsepo. Ini ndakatsvakawo ndiri pamba. Ndakatsvaka ndikawana information yairatidza paaigara nekwaanofarira kumwira. Ndakazofonerwa naKena akati awana zvatisingatarisiri. Rulani Tsepo aishandira Hawks bazi re South African Police Services (SAPS). Rakaumbwa nemutungamiri wenyika Xacobs Hluma muna 2008 richitsiva bazi rainzi Scorpions. Hawks yaiongorora mhosva dzemhando yepamusoro, zita rekuti Hawks akaritumidza kuti mapurisa acho aishanda seruvangu. Aaah, hana yangu yakarova ndapenyerwa. HAWk ndoiya shiri yaiva pachipepa chaiva mutrouse raSimba, ndoiya yaiye pama pictures aive mumba maJackson kuHumani. Kuti kungava kudondana kwezvinhu? Rulani zvinonzi akazosungwa ndokutongerwa rufu mujeri asi akazobudiswa zvisina tsanangudzo. Ndakamuti anditsvakire zvekare information yaJackson uya murungu akati achatsvaka umwe mukana agopinda muroom mune computer iya. Ndaifanira kuenda ndega kana kwasviba. Kena ndaizomuda kana pashata. Ndaka rongedza midziyo yese yemumba ndokutsvaka mota yakatakura zvinhu zvangu kundozviisa kuNorthgate kumba kwaKena. Mangwana taizondoviga mhuri kuCemetry asi ndaifanira kurara ndabata Rulani. Nguva dzichiti 7pm ndakabuda pamba paKena nemota yake. Midziyo yese yandinoziva inoshanda pahondo yandaindosangana nayo, ndakatora. Ndakasvika muna Peter Place street ndokufamba zvishoma zvishoma. Ndakaona pamba paRulani, zvedi paiva opposite nepa Matshego vaya umwe wemaboss epa IP Services pandaimboshanda kudhara, parikushandira Kena izvezvi. Hapana chandakaona apa. Ndakaenda paCresta shopping center ndokunanga paFraser Cresta bottle store. Bottle store iyi yakanakisa dai kuri Zimbabwe vaibaiwa nekuzvitora maselfie kana vapinda munzvimbo yakadai. Vange voda kutovhara asi maiva nevanhu vakawanda. Ndakatenga drink ndokugara ndichibira bira kutarisa. Hapana chakabatsira chandakawana. Ndakaenda kuhuruyadzo muStones Cresta night club. Umu ukaita zvekutamba haudzokeri futi kuZimbabwe. Vanovhara na 3am kwaakuedza. Music inorohwa umu haitauriki. Vanoshama zvavo vana vevanhu. Mota yake iya yaivepo Rulani, ndakanyemwerera. Ndakapinda mukati ndokutenga zvekare drink ndokugara kuCorner. Mufananidzo waRulani ndaive nawo, zano rangu raishanda apa. Ndakaringa ringa asi handina kumuona. Ndakatsvaka mukadzi anoratidza kuti anotonga umu. Ndaizviziva zvangu kuti I am attractive. Ndakamuona mukadzi aimira mira umu ndokumusheedza. "Enda undotenga Flying Fish lemon lager ndoziva ndoyaunoda unless kana wakazochinja" ndakadaro ndakamutarisa mumaziso. "Ndakarega kudhara iyo, ndaakumwa CBC Amber Weiss".akadaro ndikamubudisira R200 yakabatana. Ndakamuti achengete zvake chenji, mari yakange isiri dambudziko. Shuwa ange atoionawo kuti iripo. Akasekerera achienda. Ndakaona avekutaura nevamwe achinditendeka.Akadzoka ndokuuya kuzogara mudhuze neni,apa ndozvandainge ndisingadi manje. "Ndirikutsvaka Rulani Tsepo ambopinda muno umu here nhasi?". Ndakabvunza zviri straight. Ndaiitira kuti zvikasike amuudze anditsvake iye. Ndaive ndakagadzirira. Akavhunduka mukadzi uyu. "Ari muno, anomwira museri umo, mune big room inomwirwa nevasingadi noise stereki, munomudii, munoita nezvei, ari very very dangerous. Munomudii?" "Hapana, ndirikumutsvaka. Takati taure taure ndikanzwa oti ndomboenda kutoireti. Ndakaziva zvangu kuti ave kundomuudza. Nemukati mevanhu akapinda muneimwe kamuri. Pakpera nguva ingasvika maminutes manomwe ndikaona ave kudzoka. "Ava kuenda kumba Rulani, achabuda nemuno umu uchamuona" Achingopedza kutaura Rulani akabuda muroom muya ndokuuya nepataive chaipo ndokukuticheka neziso. Akamira kwechinguva achinditarira, ini ndakaita sendisingamuoni asi ndiri alert. Akabuda ini ndokuoneka hwezu riya ndichitevera. Akapinda mumota ini ndokupinda muneyangu. Akafambisa mota ndokubuda paShopping center. Akapinda muna Judges avenues ndokukwira nayo ini ndiri mumashure. Aive ega, aizvitemba zvisingaiti. Panondoperera Judges avenues kumberi kune open space kunorasirwa marara zvisiri pamutemo. Takati fambei chinhambwe chakati kuti, ndisina kumbozvifungira akatendeuka zvemufirimu ndokundinanga. Ndakataridza mota kudivi ndokumisa mabhureki. Akabudisa musoro achipfura. Ndakadzikira musoro wangu mabara ake aindipotsa. Ndakasvasvavira pfuti yangu yaiva nesiliencer nesatchel rangu, ndokuvhura door, pandaive ndaakubuda mota yangu yakarohwa padumbu ndokubva ndawira panze. Pandakasvinura meso angu ndaakuda kukunguruka, Rulani aive asvika akanditendeka nepfuti. Ndakaisa pfuti pasi ndokusimudza maoko mudenga ndichisimuka zvinyoro nyoro. Nekukasika ndakamubata ruoko ndichirumonyorora uku pfuti yake ichirira. Vanhu vemuSouth Africa havabudi panze chero vakanzwa pfuti kurira, mapurisa chaiwo anotozouya kwapera nguva pfuti dzanyarara. Ndakagwinha ruoko rwake ndokuregedza pfuti. Akandirova chibhakera nerumwe ruoko ndikanzwa parere moyo. Akada kupamha ini ndokunzvenga ndichabva ndamurova upper cut. Ndakanzwa mazino achirira achirumana. Akapotsera chabhakera ndokundirova mudumbu. Airova Rulani. Akandikava bhutsu pahuro ndokudonha pasi. Aifunga kuti andipedza. Ndakatenderera ndiripo pasi ndichimurova makumbo ake ese ndokuwa nemanhede. Ndakamukava kumeso,ndikamuti asimuke. Achongosimuka ndakamuti icho chibhakera pashaya ndikati icho pamuromo. Akandibata huro ndokundidzvinya. Akaramba akadaro ini ndichirwa nekukatananura maoko ake. Ndakange ndaakupera mweya. Nesimba randaiva ndasara naro ndakamukava pamhuri ndobva andiregedza, zvakateverana zvibhakera six ndichimurova achibva adonha adhakwa nazvo. Ndakanonga pfuti yangu ndokumutendeka. Ndakatora jekiseni musatchel raiva nemushonga wekurararisa kwemaawa maviri ndokumubaya pahuro. Shasha yakadzimirwa nenyika. Ndakamutakura ndokumuisa mumota yangu. Yaiva yarohwa padumbu apa magirazi akapwanyika nemabara aaipfura. Ndakasecha mumota make ndokuwana imwe pfuti nemari. Ndakaitora. Ndakasecha muhomwe maRulani, ndikawana foni ndichibva ndaivhura kuma calls, vanhu vazhinji vaive vamufonera asi macontacts kabata meso angu ndeaive akanzi boss Tshegos neakanzi Jacks. Ndakaenda kuma messages ndokuona kuti ambonyorera message kuna boss Tshegos 25 minutes dzadarika. Yange yakanzi 'Ndinaye pano Faby, ndichakubatai kana ndapedza naye'. Ivo vakapindura vachiti 'Mupfuudze. Uchawanawo munda wegoridhe kuZimbabwe. Mupfuudze.Undibate kana zvaita. I trust you' Matshego aivamo munyaya nhai?. Ndakazoziva kuti Jacks ndouya Jackson murungu kuburikidza nemamessages mamwe andakaverenga. Ndiye akamutuma achibatsirwa naMatshego kuuraya mhuri yangu. Vaizivana vese ava? Matshego nhasi chaiye anotevera vamwe. Uyu ange asisina basa uyu. Ndakamutora ndokumuisa mumota yake ndakamutsa yangu ndokuidzosa kumashure zvishoma. Ndakabudisa pfuti ndokupfura kaviri patangi remota yake. Mota yakanganduma moto ndokupfuta. Paaizopepuka after 2 hours, aipepika afa,apa wakafa hapana chaanoziva. Akauraya mhuri yangu zvinorwadza Rulani. Ndakanyora message kuna Matshego ndichishandisa foni yaRulani kuti 'Ndapedza naye' . Handina kuziva kuti ndakanyangira yaona.STORY#13 HER LIFE'S
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 910
|
shona_story_15
|
Shona Story 15
|
STORY#15 ~ Chapter 19 Moses naRevo vakanga vawirirana kuti vachatanga kusvika kwatete kuzaka then vozoenda natete kunoroora kana varoora vozokumbira baba vaRevo kumbogara pamba pavo kwemazuva mashoma vachigadzirisa zvinhu zvavo nekuti zvaiva zvisati zvamira zvakanaka. Tete vakavatsigira nekuti vakatoona kuti kurikubviva kunenge hakuna kumira zvakanaka. Vakaenda kwaChoi ndiko kwavakasvikira sevakuwasha then Choi akabva atanga kufambisa nyaya dzacho apa baba revo vaiva vakatarisira kuti vachauya nemhando nemhando dzemota sezvo vanemari. Mozie akazvimiririra akanga asinakana umwechete umwe wehukama anomira naye... chaingova nacho rutsigiro rwaRevo chete, pane pamwe mozie varimunzira kuenda kunororoora akatombo chema asi Revo akamunyaradza akamusimbisa akati zvinofamba zvakanaka. Akatapudza roora zvirinane Mozie nekuti akagumira kubvisa pa7,500k nekuti aibhajetera kuzochrngetawo mukadzi wake aisada kuti revo ashupike semashupikiro akanga amboita kumashure uko. "Ndakufadza ka handi ndizvo zvawaichemera urimuchapatara here babe" akadaro Mose pavanga vaudza munyayi kuti tagumirwa zvasara tichapedzisa munyai akati hazvina kuipa kuroora hakuperi "Mandifadza Mhofu zvisingaiiti hameno ndichakuitirai chii?" Vaitaura vava munzira kunopinda havo mumusha sezvo vanga vapedza. "Mai mhofuka iwe ndatokutora iwe ndikunzwe uchitaura zvisina basa futi aka kungochema chema " akadaro mozie achibata ruoko rwaRevo varimukufamba imomo.. "Ndakutoonawo kuti zveshuwa uripakurevesa Mozie ndaikutorera pasi kubva zuro patakabva kuGweru paya" akadaro revo "Nesaka wakaramba madek...." akatadza kupedzisa mozie nekuti tete vakabva vadanidzira vaiva mberi "fambisai mainini nabamunini takusvika pamba" vakabva vafambisawo kunobata vana tete vaiva mberu. Vakasvika Mozie akabatsirwa naChoi kuombera maoko nekuti paiva pasina chinozikamwa zvose aitotungamirwa nemunyai. Vakanogariswa pasi mumba ndokuchitanga kubvunzana mufaro nekupanana maintro vanhu vose vaivapo vaingonetseka kuti ko sei mukwasha angouya arioga pasina kana umwechete hake chero shamwari zvayo. Asi baba Revo vakangofarira kuti mwana wavo avasadisa kuenda nemimba kumuridzi chaiye kutosvika pakubvisirwavo chero vaiziva kuti murume wemunhu. Vakapiwa chikafu vakadya vakaguta zvavo vamwe vose vaiva vadaniwa vakazoenda kudzimba dzavo kukasara varidzi vemusha chete nemukuwasha wavo "Saka nhaiwe baba tino, magofamba nemabag kwakanaka here ko sei usina kuuya nana mudhara vako " "It's a long story baba I hope hamumind ndikaenda nemi padivi timboita mwini mwini" akadaro mozie achiita kudherera baba vemukadzi wake asi vakabvuma havo kubuda ndokuenda kuseri kweimba yekitchenndiko kwavakanomira mumadziro ndokutanga kutaura Mozie akavarondedzera zvose zvaiitika uye kurwara kwaRevo nezvose zvakaiitika asi akasiya kutaura kuti naiyewo akamboshungurudza revo. "Kutaura kuda mudhara vanga vachifona vachinditsvaka ndatopedzisira ndadzima foni yangu tichiri kwatete nekuti mukadzi wangu uyu havamudi zvachose vose havo kusara kwemunukuna wangu Mike ndiye oga anomira neni pazvose" akadaro mozie achinzwa kunge baba vaRevo ndibaba vake chaivo. "Iih zvakaoma mwanangu, but usachema zvose zvichafamba zvakanaka kwazvo iwe chimbogarai pano makamirira kuona zvinotevera zvamatoita izvi magonesa henyu kwese kumba ndinokutambirai vana vangu nemufaro" vakadaro baba Revo vachimhorosa Mozie mumaoko chaimo semwanakomana wavo. Vakazodzokera mumba vose vakutotaura dzehupenyu. Mai Revo vakanga vamboenda nemwana wavo muroom yevasikana vachonyepedzera kunotsvaira nekuti maida kurara vayenzi. "Ndafara zvakanyanyisa Zvirevo mwanangu but waonda neiko kudai wakagara sei" "Vabereki vacho havandidi vanoda mukadzi wake mukuru mhama but ban Mike vanondida zvisingaiiti saka zvose bho mhama" akadaro revo "Kana uchiti ban Mike ndivovanokufarira kureva kuti murume wako futi haakudi here anotii nemukadzi wake mukuru" "Anondida murume wangu mhama nesaka auya akabvisazvee. But arikuti hatichadiwi kumba kwavo saka pekugara manj...." haana kupedza kutaura Revo Mai vake vakabva vasheedzwa nababa vako apo vaida kuvapira nyaya yavaiva vaudziwa nemukwasha wavo. Vose vakataura vakawirira kuti Revo nemurume wake chero tete vakabvirana nazvo vakati vachaudza sabhuku kuitira kuti baba mhofu vakazotevera mwana wavo vachiita hondo sabhuku vanenge vachizviziva. Musi wekutanga akarara muspere yevasikana akavata natete Mozie akavata musittingroom sezvo maroom aingova mataru chete. Makuseni mukuwasha akatomuka achimira mira paruvanze achiona zvirimwa zvaivazvakupera kukohwewa hazvo nekuti vanga vakutoenda munaJune. Revo akaudziwa natete kuti chero murume auya kuno unofanira kumuremekedza, zveshuwa revo akamuka akawana mozie agara dhuze nedara renzungu apa achinzwa moyo wekuda nzungu. "Mamuka sei?" Akadaro Revo achinomira paside naMozie "Ndamuka bho hngu hapana parikurwadza here nhasi" "Aiwa ndiribho ini, hauna kurara uchirwadziwa here nekurara pasi" akabvunza Revo "No I'm fine hangu" revo akatorera murume wake mvura inodziya yekugeza kumeso yaiva yadziiswa namai nhongo ndiwo waiva mugariro wavo wekumukira kuisa mvura muchimugomo. "Aah mwanangu zvino mongogara makatarisana nenzungu here swederai pedo mutanhangure muchidya hadzina basa idzo" vakadaro Mai Revo vaona kuti mukwasha wavo anguri achiva nzungu dzavo . Hakusi kuseka kwakaiita Revo achiona murume wake achiita kujambira nzungu "ukusekei iwe kikiki ndisiye ndidye nzungu dzamai vangu mhani" akadaro mozie achiita kutsotsonya nzungu segonzo chairo Akadzidya kusvika aneta hake vatezvara vake vakazouyavo vakagara paside naMozie vachitanhangura vachiita havo nyaya, kusvika chikafu chemakuseni chauya vakadya vakagara pamumvuri semhuri . Pavakapedza kudya tete vakabva vayeneka vachiti ndakasiya chizukuru chidoko. "Wofamba zvakanaka mwana wababa vangu tinotaura pafoni wakaiita basa hako wakaraiira mhandara yedu" vakadaro baba Revo vachiperekedza hadzvadzi yavo kunokwira mota kuchiteshi. Baba namai Nhongo vakakasira kudzokera kumba Revo nemurume wake vakasara vakamirira kuti tete vakwire. Pakakwira revo akavabhabhaisa akavaudza kuti tichakushanyirai kana pane zvashupa. Revo nemurume wake vakatanga kufamba vachidzokera kumba, vaifamba zvishoma nezvishoma vachiita nyaya nekuratidzana kudanana. "Ndakafara Revo kuti finally you're mine zvachose I can't believe kuti ndini" akadaro Mozie revo akaiita kakusafara Mozie akabvunza kuti ko chii futi "Mozie I know very well kuti iwe haundidi wakangondida nekuti wakandirova ndikarwara kwete zverudo chaizvo" mozie akapererwa akamira chero kufamba kwaiita akatarisa Revo "Like seriously babe?" Akadaro Mozi ' "Ehe handi iwe unoda Mai Tino here, pakawanda pandairohwa namai tino asi waisapindira kutarisa hako" "Mai mwana ungabva wadaro here Revo, ini ndinokuda nemoyo wangu wose kubvira zuva randakakuona pamba penyu ndauya nevabereki vangu hana yangu yakarova ndichiona black beauty yako iyi ko kudzikama hako ko idzo tsika zvose izvozvo ndizvo zvandakada pauri ndakada zvose zvauri you Revo" akadaro mozie apa akanga akamira mberi kwaRevo akamubata matama "And everything zvakaiitika it's matter of time zvakadarika usaramba uchitaura nezvazvo nesaka ndakati sorry iwe ukabvuma saka kuramba wakungotaura nezvazvo tinodzokera kumashure iwe neni ngatichironga hupenyu hwedu from now on Mai tino handichadi nezvake nekuti nguva yandaimuda iye aisandida achindipatisa so handichadi kunzwa uchozvitaura kana tasvika kumba uchaiita foni yangu on ndobloka number dzake mwana wangu anouya oga nekuti anoziva kuti ndini daddy vake" Revo still airamba achingogunun'una mumoyo make aisatambira kuti mozie chaiye ndiye arikumuudzashoko awa aitoona sekuti kunyengererwa chete. "Mozie ungadaro hako but vabereki vako iwe vose vanoda Mai tino natino ini handikwanisi kumira pakati penyu murivatatu no kana irinyaya yemwana waurikuda ndokupa" mozie akabhoikana nemashoko aRevo zvakanyanyisa haana kumbozoda kutaura zvimwe nekuti akaoona kunge revo asinganzwisisi zvaireva chero kuti atsanangure zvaitorema hazvo, revo dzimwe nguva aiita sekuti anonzwisisa asi dzimwe nguva aibva atorasika chaiko. Mozie akangotanga kufamba hake vachidzokera kumba but aiva akurwadziwa kuti saka ndoita chipi chingaiita kuti munhu anzwisise apa munhu waabvisira pfuma. "Asi matotsamwa kai nhaimi" akadaro Revo aonda umwe wake angova zii "Ndingataurei hangu nekuti chose chandataura hauchitori nemoyo urikuona kunge zvose zvandirikutaura urikuramba uchipikisa saka better kutonyarara hangu" Revo akamboda kupindura but akatya kunyengerera murume asi naauye akarwadziwa kuti ndatsawisa munhu. Vanhu vose vaiona vaviri ava vachifamba vaingoti haa vakafitana zvisingaiiti akavaifamba step inonakidza chose. Ava manheru ndipo pavakazonzi varare muimba yevasikana Melissa aizorara namai vake nababa but iko Melissa kakabva Kati ini ndoda kurara nasisi nabamukuru Mai Nhongo vakamboedza kumurambidza asi akatoiita kuchema chaiko zvekuti sisi Revo vacho vakati ngauye tirare tose. "Haa mainini manyama aka kakangwarisa, saka munoenda kuchikoro here mainini mimie " "Ndoenda ini bamukuru grade 0" akadaro mimie vakaenderera mberi nekutaura havo nyaya namainini nekuti iye naRevo nyaya dzaiva dzava shoma. Revo aingogara aribusy nefoni yake achitaura naMike hake ndiye munhu aiva akamukoshera zvakanyanyisa iyeye. Manyemwerero aiita Revo aripafoni aikonzeresa kuti Mozie anzwe godo akangozoerekana abvutirwa foni revo naMozie "Haiwavo chiiko nhai Mhofu ndipe foni yangu mhanhi iwe unoiteiko" akadaro Revo achirwisa kuda kutorera Mozie foni but foni mozie akaramba nayo akatanga kubaya achiona msg yaiva yaiswa naMike achiti siya foni umbopa mukoma wangu zvavanoda. Mozie akabata muromo akatarisa Revo apa mamwe masg manga musina kusara kweiyoyo neyaiva yakotewa pamusoro yakanzi "ndakunzai ba mwana tozobva kana dzava kuma12 ukoko" "Revo hautauri neumwe murume ndiripaside pako mhani iwe, inguva yangu newe ini ko iye Mike anokuisira type yemsg wakadai chiiko munombopanana choremerera here naMike revo" akadaro mozie achipopota. "Sorry mhofu" "Txwaaa putseki mhani nesaka usinganzeisisi zvandokuudza iwe" akaenderera mberi nekupopota aiva anekakubhoikana Mozie akabva apinda mumachira ndokutora Memie ndokumuisa pakati pavo .... "Zvimwe zvacho so haya" akadaro Revo achitovata akafuratira...... Pakasara vana Mhofu nemhuri yavo vatizwa naMozie vakatambura kutsvaka kwese chakaiita kuti vaone kuti atiza ndechekuti muroom make anga atora zvinhu zvake zvakakosha chete aenda. Vakashamisika nekuti vaisafungira kuti nematerere aiita vanereki vake vaisafunga kuti angatiza pamba. But vakangoti anodzoka chete nekuti kubasa kwake vaikuziva uye vaiziva kuti zvakawanda zvanoda kumba kwavo.. apa havana kuudza Lela chokwadi kuti Mozie akatiza vakangoti akaenda kubasa kure vakaenda baba mhofu nehama dzavo kunoroora Lela sekuvimbisa kwavaiiva vaiita. Iye Lela aisafara nazvo nekuti mabatirwe aiva aiitwa naMozie akazviona kuti rudo rwatopera. Akaona kuti kubasa kwacho akaenda asina kuyeneka futi apa kana kumbofona kana kumboiisa msg kana kumbofungawo Tino mwana wake nemadiro aimuita. Lela akangoroorwa ndokuramba arikumba kwavo achiti achauuya kana mozie wacho adzoka. Mai mhofu vakazoti rimwe zuva vakatovarairwa zvavo murume wavo akanga aenda kunoona shop yake yaiva yakupera kuBikita, vakazotambira yava call kuchinzi Baba Mhofu va.................
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,491
|
shona_story_11
|
Shona Story 11
|
STORY By tete Manjex (Mai Mike) Chapter 12. "Iwe Nyasha ndipe chikafu ichocho . Zvagara ndanga ndisina kukuverenga pasheya. Ndanga ndangobikira iye mukadzi wako asingatendi uyu kuti adye but sezvo aratidza kuti iye haanei nechikafu chandinobika iyezvino ndichazove ndichirega kuzvinetsa hangu . Ndanga ndichingoitira chete kuti mangwana usazofunga kuti ndinomunyima chikafu " vakadaro vachibvuta ndiro yaive naNyasha vachibva vatobuda nekukasika nyasha asati ambodya . Chero nguva chaiyo yekuti apindure havana kumupa vachibva vanopinda muimba yokubikira ndokutora paperbag vachibva vadurura rice riya vachibva vabuda nebepa racho vakunokanda mugomba retoilet . Zvese izvi zvaive mumeso aShumi akamira pahwindo achitozvibvunza kuti chii chaiitika ?. Zvinhu izvi kwaari zvaisameka sense zvachose kuti zvinzi munhu anorambidzwa kudya chikafu changa chichifanira kudyiwa neumwe vachiti nekuti wanga usina share . Worse munhu arikurwara aive achifanira kuti kana adya amwe mapiritsi?. "Pane nyaya apa " akadaro achitaurira mumwoyo . "Unofanira kugara wakangwara Shumi . Apa ndiwe wanga warongerwa . Zvawarota ndizvo chaizvo " Wakamuudza kudaro mwoyo wake achiona vamwene vake vachisuka ndiro yavaive vabvisa rice vachibva vasiya vaiturika paive nedzimwe . Akatura mafemo achidzokera pamubhedha paive nemurume wake achibva asvika achiti "zvino wodyei kuti ukwanise kumwa mapiritsi uzorore? . Kana anenge atonzi after meal haatofaniri kuti uamwe usina kudya zvachose anokukuvadza " akadaro ndokubva Nyasha ati " siya ndife hanty ndizvo zvavada " aidaro achitarisa divi ndokubva mwoyo waShumi warwadza achibva asimuka ave kuedza kunokumbira chero maheu zvawo ekuti murume wake anwe awane kumwa mapiritsi nekuti aiona kuti airwadziwa . Achipinda mukitchen akanowana mbuya Muchemwa vakagara pedyo nemoto muromo uri mumhino vachipambira sadza mukapoto . Zvino kuti abvunze kuti raive raNyasha here akazeza achibva apfugama ndokuti " mama ndokumbirawo maheu Nyasha awane kumwa kuitira kuti akwanise kumwa mapiritsi " akadaro vachibva vati " Nyasha mwana wangu Shumi . Ndati Nyasha rugotwe rwangu rwakabuda kuchibereko changu unozvinzwa ?, haunganzwiri Nyasha kupfuura ini mai vake ndakamuzvara . Siyana nekuda kuzvikwanidzira pausingakwani uzive chawakafambira muno mumusha " Vakadaro vachivhara chipoto chaive chakutanga kukwata vachibva vatanga kuswededzanisa huni . Shumi akangogutsurira ndokubuda chinyararire asina zvaataura akudzokera kubedroom kwake . Mbuya Muchemwa vakasara vachiridza zitsamwa zvekuti dai kuvengwa kwaiuraya pamwe dai Shumi akafa . Sezuva iri aive avabhowa kusvika pekupedzidzisira . Vaive vasina kumbobvira vakafungira kuti Shumi aizoramba rice . Chavaiziva muraini mavo ndechekuti rice kwaive kudya kwaikosha zvekuti ani chero ani airipiwa chero akaguta sei haaizotadza kudya . Zvino zvaive zvaitika pana Shumi apa zvakavashamisa zvese nekuvabhowa . "Seiko zvese zvatirikuedza kuita kwaari zviri kubondera ?; chimbori chii chaizvo chiri pamwana uya ?, senhau yechikafu iyi chii chaitika ?; aziva sei kuti ndakamuteya muchikafu ?. Swerazuro ndakaswera ndichimubikira achidya uyu , zvino nhasi chaita kuti arambe chii ?, kuti ingadaro iri nhau yemwana waakatakura here ingadaro irikukonzera kuti apukunyuke pose patinenge taedza kumuteya ?, uyu mwana atondivigira matambudziko muno mumusha uyu . Izvozvi ndichasvika ndichiudza vamwe kuti chii ?, vagoti chii zvakare ?, uku ndiko kuda kuti ndiurayirwe vana uku nekuti ndikaenda ndichinovaudza kuti zvekuuraya Shumi zvaramba obvious vanotobva vati ngatiurayei Nyasha kuitira kuti Shumi abve pamba pangu . Zvino ini newangu mwana handidi . Wotoshaya kuti aive ambonyanyofarisirei kuti azodanana nemwana iyeyu Nyasha achitivigira damhudziko?" Vakadaro vachipakura sadza mundiro vachibva vasimuka vakunotora husavi hwaive hwasara zuro wacho vachibva vaisa mundiro ndokutora dish vakuenda nazvo kubedroom kwaive naNyasha. Chero zviya zvainzi handingapindi kubedroom remuroora zvaive zvakanganikwa . Vanosvika voti " ndauya nesadza kuti udye Nyasha . Rice riya ndachengetera Roka ndichibva ndati iwe udye sadza rinobata ura " vakadaro ndokubva Shumi adzungudza musoro wake . Plastic raive nerice aive ariona richinokandwa mutoilet saka akanyatsoziva kuti mbuya iyi pane zvayaironga . Zvino aive atozviudza kuti aizogara akavangwarira chete . "Maita basa mama " akatenda Nyasha achimuka kuzogara pasi ndokubva mai vake vati " uri mwana wangu Nyasha . Hakuna umwe munhu anofa akakuda kupfuura ini . Kana wapedza kudya wozonwa mapiritsi uwane kuzorora hanty?, dhokotera Muchemwa " vaidaro vachimupuruzira matama . Dzimwe dzaive dzave nzira dzekusvotesawo maShumie . Vanobva vamutarisa neziso vachibva varidzira tsamwa mumwoyo ndokubuda . "Zvino kana uchifunga kuti ndichaita give up uchakaura hako . Handisi kuzozorora kusvika iwe nechana chako mave pasi apa . Kumazano ese andiri kuronga hapamboshayi kana rimwechete rinokudonhedza . And uchadonha zvako kwete kare futi " vakadaro vachitaurira mumwoyo vachibuda . "Huya tidye tese babe sadza rakawanda iri " akadaro Nyasha ndokubva Shumi ati ' aiwa idya utange waguta ndozodya raunenge wasiya " iri haana kuda kuzeza kudya nekuti akaziva kuti hapana charaive raiswa . "Aiwa huya tidye tese . Ragara sadza rekudya vanhu vachibvutidzana rinonaka " akadaro ndokubva Shumi ageza maoko vachibva vatanga kudya murunyararo. Chimwe chaaive anyanya kuchiva yaive nyama nekuti aiida . Ugoona iye murice aive aisirwa machunks. Vakatodya vese kusvika vapedza ndokubva Shumi atambidza murume wake mvura yekunwa nemapiritsi . Akanwa ndokubva Shumie azomusiya arara iye akuendesa ndiro kukitchen . Achipinda akawana mbuya Muchemwa vari busy kutaura voga though asina hake kuzonzwa kuti vaitaura kuti chii nekuti pavakanzwa mafootsteps vakabva vanyarara. Kureva idi chairo vaive vatambudzika mbuya Muchemwa. Ipapa kutaura voga vaiedza kutsvaga zano raizogona kuvaponesa kune vamwe vavo panhau iyi . Kutaura chokwadi vaive vashungurudzika . "Kana zvekuti ini ndimuuraye zvinenge zvatorambisisa zvinenge zvakutongoreva kuti ndinenge ndakutoita zvevane simba kundipfuura . Ndinobvira n'anga chaidzo . Ndaramba zvekuti Shumirai auye kuzondikanganisira zvinhu zvangu ini . Kubva zvatakave isu hatina kumbobvira tatadza munhu isu kusanganisira mai vake chaivo. Zvino iye adai kuda kunetsa anenge afuza ani ?" Vaidaro mupfungwa dzavo . Kudoka kwaiita zuva navo vaiwedzera kushushikana . Dai zvainzi vane chero zuva rimwechete zvaro ravakamborota mai vake vaigona kufunga kuti pamwe ndivo vaizvikonzeresa but ivo chavainyatsoziva ndechekuti mweya wamai vake kubva zvavaitsipika vaive vasina kuzombobvira vanetswa nawo zvakare . Kuzonodoka kwezuva Nyasha aive ave nani zvekuti aive atomuka ave kubatsirana nemukomana wemombe kudanga . Iye zvake munhu wacho maingovewo zvamo muchiuno makaregedza but mwoyo wakanaka aive nawo samare . Aive asingambotarisi zvekuti Ano ndiye aishanda achihoreswa mari saka ndiye aifanira kuita zvese . Aitobatsira kana mukana waivepo . Maweekends kana aiona kuti anenge asina basa rechikoro rakawanda aitoti Ano ambozorora iye aende zvake kumombe . Hutsinye aive asina kana kamwechete zvake Nyasha. Seipapa kuna Shumi aitorevesa paakamuudza aive asisade zvevamwe vasikana. Kubva zvaaive anzwa shamwari yake ichitaura zvekuti weti chifumuro achibva ainwa pfungwa dzake dzakaita kunge dzaive dzavhurikawo zvekuti chero pakauya Tendai achizomupopotera mushure mekunge anzwa zvekuti aive atizirwa naShumi hazvina chero kumbomurwadza. Aive atozvipira atogamuchira kuti aive aroora and akabva atopika ipapo kuti aisazofa akaita zvevamwe vasikana zvakare. Zvino Shumi aive asati amuvimba achitofunga kuti pamwe aive angoitira nhau yekutya mapurisa but zvaisave izvozvo . Aive atomugamuchira nemwoyo wese ndizvo aimurwira kuna mai vake kudaro . Plus Shumi aive akanaka zvese nekachimiro kake chero zvazvo muviri wake waive mudiki zvakanyanya . Arikudanga ikoko ndipo pakabva pafona mukoma wake mukuru William baba Maurine avo vaisheedzwa baba Marina namai vake . Vakatoshamisika paakavaudza kuti aive kudanga mai vake vaive kumba nemukadzi wake . "Ko wakaroora rini nhaiwe ?; asi wakasiya chikoro ?" Vakabvunza baba Maurine ndokubva Nyasha ati " ndakatizirwa nemusikana ane nhumbu mukoma. Ko mama vaive vasina kutaura here ?" Akabvunzawo achitoshamisika ndokubva baba Maurine vati " havana kumbotaura chinhu avo . Zvinhu zvarini izvi ?" Vakabvunza ndokubva Nyasha ati " ave ne3days aripo but kuchikoro ndirikuenda hangu. Ndinenge ndichingodzidzawo aripano then kana ndapedzawo ndikawana basa ndomudzoserawo kuchikoro . Aigona zvisingaite saka ndakatoona kuti ndakamuitura hutsinye apo iri nherera " Akadaro ndokubva baba Marina vati " hazvichisinei hazvo muroora avepo but iwe pedzisa form 6 yako uzouya kuno uende kuUniversity . Ndichatumira mari yekuti munoroora . Mombe munotora nhatu pane dzangu mudanga imomo nekuti hazvingaite kuti usiye usina kubvisira mwana wevaridzi . Worse achitova nenhumbu hazvizoburitsi chimiro chakanaka . Tiri vanhu vane chiremera isu zvekuti hazvingaite kuti tiite hunhu hwakadaroso " vakadaro ndokubva Nyasha ati " ndinotenda mukoma . Maita basa zvikuru masunungura mwoyo wangu . Ndanga ndirikutoshaya kuti ndinotangira pai nekuti mama havamudi . Ndinovimbisa kuti ndikangoshanda chete ndinodzosa zvinhu zvenyu mukoma " Akadaro ndokubva baba Marina vati " haiwa uchidzosa chii?, baba vakafa Nyasha and ndini mukomana muhombe pamba saka kwamuri ndakutofanira kuplayer roll yababa . Dai vari vapenyu pamwe dai vari ivo varikunokuroorera saka chingozvoudza kuti baba ndivo varikuita " vakadaro ndokubva Nyasha ati ' ndinotenda zvikuru mukoma Willie . Mwari vekudenga vakuitirei zvakanaka " akadaro ndokubva vazoonekana nemukoma wake achinzwa mhepo kufura chaiko asi ane imwe nyaya yaive yakumunetsa . Mai vake vaive vataura kuti vaive vafonera madzikoma ake vachimaudza nezvekuti akaroora ndokubva baba Marina vatoti ngaashandise bedroom ravo apo vozofona zvakare vachiti vaive vasingazvizivi saka kutaura idi chairo aive akusaziva zvekufunga . Akatoshaya kuti vaive vamudzingirei mubedroom ndokuzofunga nhau yezuva rasvika Shumi pavaiita mutambo wevakuru Shumi achiita noise achibva aziva zvake kuti hapana chimwe ndizvo bedzi zvavaive vadzingirwa . Zvisinei hazvo haana kuzoda kunyanya kuzvinetsa nezvakawanda nekuti yaaive anyanya kufarira ndiyo yekuti anobvisawo . Akatozobva kudanga afara zvokuti ave kudzokera Kumba. "Mhai ndafonerwa namukoma baba Marina " akadaro nenyemwero yaive izere chiso ndokubva mai vake vavhunduka vachiti " heee , saka wavati chii?" Vakabvunza vasisina kugadzikana nekuti vaive vapika muhana yavo kuti vaisazoudza madzikoma aNyasha nezvenhau iyi zvachose nekuti ivo vaive vazviudza kuti Shumie aive asingazogari pamusha pavo . "Ndavaudza nezvekutizirwa kwangu vachibva vati vanotumira mari then ndotora mombe nhatu pane dzavo ndonoroora kuitira kuti tisagare nemwana wevaridzi mahara " akadaro nemufaro ndokubva mbuya Muchemwa vati " hakuna zvakadaro . Ndati hakuna zvinhu zvakadaro zvinoitika ini ndichiri mupenyu. Ndinopika nevayera gumbo kudai . Zvirinani ndife zvigozosara zvoitika zvauri kutaura izvozvo . Apo ndinopika nevakaenda kare " vakadaro vachisimuka vachibva vatanga kufambisa vachinopinda mubedroom mavo vakuda kunozama kubhipa baba Marina kuti vavafonere . Vaive vatowana zano rekuvapinda naro kare and vaiziva kuti baba Marina vaivateerera zvakanyanya .STORY#12 KUKOHWA RUFU Honorable Chingas Chapter 13 Rukesheni rweCresta rwaiva kumavirira kweRandburg. Nzvimbo iyi ndakamboisvika, ndorangarira ndokwaigara Matshego umwe wema Directors eIP Services. Zvaitoreva kuti musha wemhondi waiva padhuze nawavo because ivo vaigara pa 49 Peter Place street. Misha yemu Cresta yakavakwa zvakarongeka, maEven numbers aiva divi rawo then Odd numbers divi rawo, Peter Place street pakati. Nhasi ndaifanira kushanyira mhondi iyi. Kuuraya mhuri yangu zvakadaro. Ndakafonera Kena kuti awane access yeSpecial computer yepa IP Services atsvake nezva Rulani Tsepo. Ini ndakatsvakawo ndiri pamba. Ndakatsvaka ndikawana information yairatidza paaigara nekwaanofarira kumwira. Ndakazofonerwa naKena akati awana zvatisingatarisiri. Rulani Tsepo aishandira Hawks bazi re South African Police Services (SAPS). Rakaumbwa nemutungamiri wenyika Xacobs Hluma muna 2008 richitsiva bazi rainzi Scorpions. Hawks yaiongorora mhosva dzemhando yepamusoro, zita rekuti Hawks akaritumidza kuti mapurisa acho aishanda seruvangu. Aaah, hana yangu yakarova ndapenyerwa. HAWk ndoiya shiri yaiva pachipepa chaiva mutrouse raSimba, ndoiya yaiye pama pictures aive mumba maJackson kuHumani. Kuti kungava kudondana kwezvinhu? Rulani zvinonzi akazosungwa ndokutongerwa rufu mujeri asi akazobudiswa zvisina tsanangudzo. Ndakamuti anditsvakire zvekare information yaJackson uya murungu akati achatsvaka umwe mukana agopinda muroom mune computer iya. Ndaifanira kuenda ndega kana kwasviba. Kena ndaizomuda kana pashata. Ndaka rongedza midziyo yese yemumba ndokutsvaka mota yakatakura zvinhu zvangu kundozviisa kuNorthgate kumba kwaKena. Mangwana taizondoviga mhuri kuCemetry asi ndaifanira kurara ndabata Rulani. Nguva dzichiti 7pm ndakabuda pamba paKena nemota yake. Midziyo yese yandinoziva inoshanda pahondo yandaindosangana nayo, ndakatora. Ndakasvika muna Peter Place street ndokufamba zvishoma zvishoma. Ndakaona pamba paRulani, zvedi paiva opposite nepa Matshego vaya umwe wemaboss epa IP Services pandaimboshanda kudhara, parikushandira Kena izvezvi. Hapana chandakaona apa. Ndakaenda paCresta shopping center ndokunanga paFraser Cresta bottle store. Bottle store iyi yakanakisa dai kuri Zimbabwe vaibaiwa nekuzvitora maselfie kana vapinda munzvimbo yakadai. Vange voda kutovhara asi maiva nevanhu vakawanda. Ndakatenga drink ndokugara ndichibira bira kutarisa. Hapana chakabatsira chandakawana. Ndakaenda kuhuruyadzo muStones Cresta night club. Umu ukaita zvekutamba haudzokeri futi kuZimbabwe. Vanovhara na 3am kwaakuedza. Music inorohwa umu haitauriki. Vanoshama zvavo vana vevanhu. Mota yake iya yaivepo Rulani, ndakanyemwerera. Ndakapinda mukati ndokutenga zvekare drink ndokugara kuCorner. Mufananidzo waRulani ndaive nawo, zano rangu raishanda apa. Ndakaringa ringa asi handina kumuona. Ndakatsvaka mukadzi anoratidza kuti anotonga umu. Ndaizviziva zvangu kuti I am attractive. Ndakamuona mukadzi aimira mira umu ndokumusheedza. "Enda undotenga Flying Fish lemon lager ndoziva ndoyaunoda unless kana wakazochinja" ndakadaro ndakamutarisa mumaziso. "Ndakarega kudhara iyo, ndaakumwa CBC Amber Weiss".akadaro ndikamubudisira R200 yakabatana. Ndakamuti achengete zvake chenji, mari yakange isiri dambudziko. Shuwa ange atoionawo kuti iripo. Akasekerera achienda. Ndakaona avekutaura nevamwe achinditendeka.Akadzoka ndokuuya kuzogara mudhuze neni,apa ndozvandainge ndisingadi manje. "Ndirikutsvaka Rulani Tsepo ambopinda muno umu here nhasi?". Ndakabvunza zviri straight. Ndaiitira kuti zvikasike amuudze anditsvake iye. Ndaive ndakagadzirira. Akavhunduka mukadzi uyu. "Ari muno, anomwira museri umo, mune big room inomwirwa nevasingadi noise stereki, munomudii, munoita nezvei, ari very very dangerous. Munomudii?" "Hapana, ndirikumutsvaka. Takati taure taure ndikanzwa oti ndomboenda kutoireti. Ndakaziva zvangu kuti ave kundomuudza. Nemukati mevanhu akapinda muneimwe kamuri. Pakpera nguva ingasvika maminutes manomwe ndikaona ave kudzoka. "Ava kuenda kumba Rulani, achabuda nemuno umu uchamuona" Achingopedza kutaura Rulani akabuda muroom muya ndokuuya nepataive chaipo ndokukuticheka neziso. Akamira kwechinguva achinditarira, ini ndakaita sendisingamuoni asi ndiri alert. Akabuda ini ndokuoneka hwezu riya ndichitevera. Akapinda mumota ini ndokupinda muneyangu. Akafambisa mota ndokubuda paShopping center. Akapinda muna Judges avenues ndokukwira nayo ini ndiri mumashure. Aive ega, aizvitemba zvisingaiti. Panondoperera Judges avenues kumberi kune open space kunorasirwa marara zvisiri pamutemo. Takati fambei chinhambwe chakati kuti, ndisina kumbozvifungira akatendeuka zvemufirimu ndokundinanga. Ndakataridza mota kudivi ndokumisa mabhureki. Akabudisa musoro achipfura. Ndakadzikira musoro wangu mabara ake aindipotsa. Ndakasvasvavira pfuti yangu yaiva nesiliencer nesatchel rangu, ndokuvhura door, pandaive ndaakubuda mota yangu yakarohwa padumbu ndokubva ndawira panze. Pandakasvinura meso angu ndaakuda kukunguruka, Rulani aive asvika akanditendeka nepfuti. Ndakaisa pfuti pasi ndokusimudza maoko mudenga ndichisimuka zvinyoro nyoro. Nekukasika ndakamubata ruoko ndichirumonyorora uku pfuti yake ichirira. Vanhu vemuSouth Africa havabudi panze chero vakanzwa pfuti kurira, mapurisa chaiwo anotozouya kwapera nguva pfuti dzanyarara. Ndakagwinha ruoko rwake ndokuregedza pfuti. Akandirova chibhakera nerumwe ruoko ndikanzwa parere moyo. Akada kupamha ini ndokunzvenga ndichabva ndamurova upper cut. Ndakanzwa mazino achirira achirumana. Akapotsera chabhakera ndokundirova mudumbu. Airova Rulani. Akandikava bhutsu pahuro ndokudonha pasi. Aifunga kuti andipedza. Ndakatenderera ndiripo pasi ndichimurova makumbo ake ese ndokuwa nemanhede. Ndakamukava kumeso,ndikamuti asimuke. Achongosimuka ndakamuti icho chibhakera pashaya ndikati icho pamuromo. Akandibata huro ndokundidzvinya. Akaramba akadaro ini ndichirwa nekukatananura maoko ake. Ndakange ndaakupera mweya. Nesimba randaiva ndasara naro ndakamukava pamhuri ndobva andiregedza, zvakateverana zvibhakera six ndichimurova achibva adonha adhakwa nazvo. Ndakanonga pfuti yangu ndokumutendeka. Ndakatora jekiseni musatchel raiva nemushonga wekurararisa kwemaawa maviri ndokumubaya pahuro. Shasha yakadzimirwa nenyika. Ndakamutakura ndokumuisa mumota yangu. Yaiva yarohwa padumbu apa magirazi akapwanyika nemabara aaipfura. Ndakasecha mumota make ndokuwana imwe pfuti nemari. Ndakaitora. Ndakasecha muhomwe maRulani, ndikawana foni ndichibva ndaivhura kuma calls, vanhu vazhinji vaive vamufonera asi macontacts kabata meso angu ndeaive akanzi boss Tshegos neakanzi Jacks. Ndakaenda kuma messages ndokuona kuti ambonyorera message kuna boss Tshegos 25 minutes dzadarika. Yange yakanzi 'Ndinaye pano Faby, ndichakubatai kana ndapedza naye'. Ivo vakapindura vachiti 'Mupfuudze. Uchawanawo munda wegoridhe kuZimbabwe. Mupfuudze.Undibate kana zvaita. I trust you' Matshego aivamo munyaya nhai?. Ndakazoziva kuti Jacks ndouya Jackson murungu kuburikidza nemamessages mamwe andakaverenga. Ndiye akamutuma achibatsirwa naMatshego kuuraya mhuri yangu. Vaizivana vese ava? Matshego nhasi chaiye anotevera vamwe. Uyu ange asisina basa uyu. Ndakamutora ndokumuisa mumota yake ndakamutsa yangu ndokuidzosa kumashure zvishoma. Ndakabudisa pfuti ndokupfura kaviri patangi remota yake. Mota yakanganduma moto ndokupfuta. Paaizopepuka after 2 hours, aipepika afa,apa wakafa hapana chaanoziva. Akauraya mhuri yangu zvinorwadza Rulani. Ndakanyora message kuna Matshego ndichishandisa foni yaRulani kuti 'Ndapedza naye' . Handina kuziva kuti ndakanyangira yaona.
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 2,496
|
shona_story_6
|
Shona Story 6
|
STORY#9 HER LIFE'S STORY By tete Manjex (Mai Mike) Chapter 14. "Ndati siya chigubhu ichocho ndimwe ndife mhani iwe mwoyo wako ufare . Ndiwe wakauya kuzokonzeresa pano pamusha pangu . Iyezvino vana vangu havachandione sechinhu nekuda kwako . Hakuchisina kana achateerera zvandinotaura . Nguva yese yapfuura iyi ndaiti kana ndikataura hakuna aipikisa ini . Iyezvino ndakutoonekwa sechinhu chisina basa " vaidaro mbuya Muchemwa vachiedza kudhonza chigubhu chemushonga kuna Shumi dzinova ndidzo nguva dzaisvikawo Nyasha . Aive atobhowekana zvisingaite nekuda kwemanyepo avaive vaudza baba Marina saka akabva asvika achiti " chiiko ?, hanzi chii ?' Akabvunza ndokubva Shumi ati " vachiri kuda kuramba vachingomwa mushonga ava . Siya zvako ndiende Nyasha hazvina mhosva . Ndinozogara ndakasununguka here ndichiziva kuti ndakaurayisa mama ?. Havandidi ndazviona saka kuti ndirambe ndomanikidza pachiitika zvakadai handikwanisi zvangu " akadaro Shumi achichema . Kutaura chokwadi aive asvika pakupererwa . Zvaairamba kudzokera aive asina kumbobvira afungira kuti mbuya Muchemwa vaisatomuda zvekutosvika pakuda kuzviuraya vachiti ngaabve pamusha pavo . Aive afunga kunokumbira bhudhi namaiguru vake ruregerero kuti akwanise kudzoka pamba nekuti kurevesa chaiko aive azvitadza . "Hapana kwauri kuenda Shumi . You're my wife and l love you saka hapana anokubvisa pano . Ipa mama chigubhu ichocho vanwe mushonga iwoyo vafe . Vape " akadaro achitora chigubhu chemushonga achibva akandira mai vake achibva ati " imwai mufe mhai . Imwai Roga iyoyo mufe kana kuti munotsvaga nduru yengwena isinganonoki . Sei muchida kutishaisa rugare imi ?, murikuramba Shumi mukadzi wenyu here kana kuti ndewangu ?, ndimi munovata naShumi here imi mhayi mungatotifarisira muchiti kana akaramba aripo ndinozviuraya ?. Ifai ndakaimirira ngozi yenyu yakajaidzwa iyoyo ndigozoitema nedemo . Haaahaa mhani , muchakura rini ?" Akadaro nevoice raive pamusoro raive rakazara ukasha ndokubva mbuya Muchemwa vati " ndini wauri kutaura naye uchidaro here Nyasha ?, ini Merenziyana ndini wauri kutaura naye uchidaro ?, hausi iwe here wakati haumudi Shumi?, nhasi sei wakuchinja wakuita ini munhu akaipa ?" Vakadaro ndokubva Nyasha ati " ndaive ndakangobhowekana bedzi nekuti aive ambondiramba but mukadzi wangu ndinomuda ini . Chero iyemi makadai ndakakuudzai kuti ndinomuda but murikungoramba muchiita nharo dzekuda kumudzinga . Kuvasikana vandakambofambidzana navo vese hakuna munhu wandakamboda saShumi . Chero iye uyu ndakamuudza patakadanana kuti paari ndawana soulmate yangu and ndaitorevesa . Chero dai akadzokera kumba kwavo zuva riya, ndaitozomutevera chete nekuti ndinomuda and iyoyo haisi secret . Chero kuchikoro chaiko ndakanozvitaurira ini kuna principal kuti ndakaroora . Anoda kundijaja ngaandijaje hake but pana Shumi ndinofirapo zvangu " Akadaro ndokubva mai vake vada kupindura but panguva iyoyo fon yavo yakabva yaringer . Vaive bhudhi vavo vekwaChivi vaifona .Pavakaona kuti vaive bhudhi vavo shungu dzakavabata nesimba vachibva vadaira ndokuibongomora mhere vachiti " bhudhi kana mukahwa zvichinzi ndafa ndinenge ndaurawa naWiriyamu pamwe naNyasha nechikadzi chake . Akatizigwa nechimwe chimusikana chomuno muraini chisingamboiti kana . Ini ndini ndinoziva zvandiri kumurambira mwana iyeye zvisingatoiti chero kuti ndimuudze Nyasha uyu . Handisi benzi ini bhudhi ndinoziva zvandirikuita . Ndine nhoroondo yekumusha kwemwana uyu yakarema . Kana vari mbuya vake chaivo vanozvara baba vake hanty ndakawana vachiri vapenyu ini , vaive nehuroyi hunotyisa zvekuti vaisambozeza kufamba vakatasva bere masikati machena . Vaiti vakakupikira kuti ramanheru hauridyi vaChikanga waive usingaridyi zveshuwa . Vaitongobvira vakuudza kuti nguva dzakati ugadzirire vayenzi and zveshuwa zvikomana zvaitouya zvekuti pavakafa takati takazorora . Zvino hatina kuziva kuti hapana chataive tagona nekuti vaive vagara vatosiira muroora wavo mai vake uyu zvinhu zvavo zvekuti vakasara vachinetsa kusvika vazofa vachiita zvekuroverwa hoko shure vabatwa nemusungo pamusha wevaridzi vanhu ndokuzongovhara vhara havo sezvo zvainyadzisa kutaura vachisiya chana chavo chiri chidoko ichi . Nhasi ndicho chakunzi chiuye kuzoita muroora wemuyera gumbo pano ?, ko kana kakasiya katemerwa namai vacho vasati vafa nekuti kubva zvakauya ipapa hatisi kuvata nekuda kwemazizi arikugara achivata achichema pamusoro pemba . Kana dzirikiti hatichatauri bhudhi tahwa . Regai ndingoti kubva zvaauya pangori nekumwe kurema nekungotyisa tyisa kuripo so pano " Vakapedzisa vachidaro ndokubva bhudhi vavo vatura mafemo ndokuti" ukwane mai Wiriyamu unozvihwa ?; ndati uitei sei ?" Vakabvunza ndokubva mbuya Muchemwa vada kuti " asi bhudhi ......" vachibva vadimbudzirwa panzira vachinzi " ndati ukwane kana wanyatsondinzwa zvakanaka . Sei uchiita sepwere iwe munhu mukuru akaita sewe ?. Unoreva kuti ungade kupanishira mwana wevaridzi zvinhu zvisina basa rese izvozvo ?. Pane mhuri isina varoyi ?; zvino kuno vana vababa Sekai zvavari kufamba muvaporofita vachibata iwe kuchinzi ndiwe muroyi wekumusha uchadii ?, ehee varikutofamba vachiudzwa kuti muna vatete vari kuGokwe ndicho chatopota chemumhuri . Saka kana ukashanya vanofanira kukugadza demo ka ?, iva nemwoyo wekubereka mai Wiriyamu. Dai ari wako mwana amitiswa osvika achirambwa navamwene murume wake achimuda wainzwa sei ?, iyewe chaiko wakabva pamusha une mimba uchitizira baba Wiriyamu asi vamwene vako havana kusvika vachikugamuchira here ?, svoda mai Wiriyamu ndati svoda . Ndanzwa Wiriyamu achiti kunonzi wati wave kumwa Roga , imwa ufe tikucherere ndichimupenyu tione kuti ngozi yacho uchaimutsirwa nani ?. Unogodora mwoyo iwe . Zvino uchida usingade mwana iyeye arikutonobvisirwa . Varikuuya tsano Mateo ikoko kuzonobatsirana naNyasha kuenda kumarooro . Ndanga ndichitofanira kuuyawo ndiendewo asi ndatadza nekuda kwemakumbo . Ndamirira kuti ndigozoudzwa nezvenhamo dzako " Vakadaro bhudhi vavo vachibva vadimbura nhare ndokubva mbuya Muchemwa vatarisa kwaive naNyasha naShumi vachibva vati " chifarai ; ndati farai , iyezvino mandikonanisa nehanzvadzi yangu mwoyo yenyu ngaifare "vakadaro vachisimuka vachibva vakandira chigubhu cheRoga pasi vachibva vatanga kuchema vachifamba kuenda kubedroom kwavo chimwana chemukwasha Roka chichitevera chatopunyaidzawo chiso chichirwadziwa nekushungurudzirwa mbuya vacho . Vakapinda kubedroom mavo vakachema mbuya Muchemwa vachishaya zvekuita. Vaive vazosvika pakupererwa zvino. Vakatomboedza kufunga mazano ese ekuti vangaite asi vakashaya rainyatsoita chairo. Zvavaive vaona Shumi abvuma kudyira kumanyepo avo ekuti vati vanoda kunwa mushonga vafe vaive vafara zvisingaite. Chavaingoda chaive chokuti abude chete muruvanze rwavo vobva vakutumira nyoka yomuruma. Zvino zvavakazonzwa Nyasha akuti imwai mufe vaive vapererwa chaiko . Kufa ndicho chinhu chavaisada kana kunzwa zvachose. Vaiti chero kana vaiona munhu achifutsirwa mugomba kudai vachiti vakafunga kuti rimwe zuva vanogona kuve ivo vanenge vachichererwa vainzwa kumerera chaiko. Haaa rufu vaive vasingade kana kunzwa nezvarwo zvekuti pamwe dai rwaitizwa rwaisazombofa rwakavabata . Vaona kuti zano rokuita vaive vashaya vakabva vazongofunga zvekumirira kuti nguva dzavo dzekudare dzikwane vagozonoudzawo vamwe vavo . Vega vaive vatopera tariro vatoona kuti Shumi aive asingagoneke . Vaiti vakafunga mhiko yaive pakuzvarwa kwemwana waNyasha ari munhu ari normal vaibva vanzwa kumerera . Mhiko yavaive vakaisa pana Nyasha yaityisa zvekuti dai aizviziva aizovatema nebheura chete . Vaitoona sekuti zvaive nani kuti ave achivaberekera zvikomana asi ari mupenyu hake pakuti azourayiwa zvaive zvaita vamwe vavo kupedza vana vose . Kana vari mbuya Tindo vaive vatopindira zvese nekuvaroora vakapedza . Zvino mbuya Muchemwa vaive vatoona kuti zvaitove nani kuitisa Nyasha mashura ekufamba achingovata pose pose vana vachiurawa .. Kusatobatwa zvirwere zvepabonde dzaitongove ngoni dzemusiki , otherwise paaive apinda paive pakaoma though kwaive kusazviitisa hake . Havana chero kuzombobuda kusvika nguva dzavo dzokuenda dzakwana . Zuva iri ndivo vakatotanga kusvika zvekuti vose vakavawana vavepo vakatoshamisika kuti zvaive zvaita sei zuva iri nekuti ndivo vaigara vachiita wekupedzisira . "Ndofunga kukasika kudai mativigirawo gudhu nyuzi nhasi " vakadaro mbuya Tindo ndokubva vamwe vavo vagutsurira musoro kubvumirana navo . "Hakuna chiriko hama dzangu . Ndabika ndikaisa chimhuka chiya muchikafu but aramba kudya . Ndatozoita zvekubvuta ndiro mushure mekunge ave kuda kupa Nyasha kuti adye . Ini ndinotenderana nambuya Tindo kuti zviripo zvihombe zviri paari nekuti kuseni ndamuwana achimwaya panze nechibucket achibva andiudza kuti wanga uri muteuro and zveshuwawo kubva zvaawaya chero mushonga uya hauna kutombomuaffector zvachose. Izvozvo zvose zvirinani, nhau yave kunyanya kundishungurudza yatondiita kuti ndikasike kusvika ndeyekuti vakomana varonga kuti Shumi anobvisigwa " Vakadaro ndokubva mbuya Nyaradzo vati " kubvisigwa chii ?" Vakabvunza ndokubvunza mbuya Muchemwa vati " kubvisigwa roora chairo " vakapindura ndokubva mbuya Tendai vati " kuti zvaita sei ?, imi muchibva matobvuma izvozvo ?" Vakabvunza vonzwa kuvaviwa nehasha ndokubva mbuya Muchemwa vati " saka munoti handina kuzama kuramba here ?, ndatomboedza kutaura zvakaipa pamusoro pake ndichiudza bhudhi baba Netsai vanga vafonegwawo naWiriyamu achivaudza kuti ndirikuramba kuti Nyasha anobvisa asi vandituka kundirembedza kudai . Ipo pamba ndatomboedza kuita masaramusi angu ndichiti ndakumwa mushonga wedonje ndife asi Nyasha andiudza iye kuti imwai mufe . Kutaura chokwafi ndasvika pakuperegwa hama dzangu " Vakapedzisa vachidaro ndokubva mbuya Nyaradzo vati " hazviiti izvozvo mai Wiri. Kuti Shumi aite sei ?, hakuna Shumi anobvisigwa ndichiri mupenyu ini . Zvokwadi zvinzi Muku avaka danga pamusha pake ?, hazvife zvakaitika izvozvo ndinopika nevayera Moyo kudai, vaya ndove yekudzurisa mumba vanofanira kugara vachinoikumbira kumisha yevanhu kana kunhonga kumafuro " vakadaro vachirovera tsiva pasi ndokubva mbuya Tindo vati " hamungopopoti musingaunze muono unoonekwa mbuya Nyaradzo . Chatiri kuda isu pano mazano angatiponese nekuti zvokwadi mukaona achinzi abvisigwa isu tisu tinenge takaura . Nhau iyi payasvika so far pakaipa hama dzangu and hapana zvekuti ndine watingapomedzera nekuti zvese zvatiri kuedza kuita pamwana uyu zviri kusvika zvichibondera " Vakadaro ndokubva mbuya Nyaradzo vati " zviripo zvatisati tazama " vakadaro vachinzwa kutsva chaiko mukati mediti ravo " Ndezvipi zvatisina kuita ?, pamwe tingatobatsirika zveshuwa " vakadaro ndokubva mbuya Nyaradzo vati " zvezvikomana chaizvo . Eheee zvikomana , zvino izvo hapana pazvinozeza kusvika manje . Ngatimutumirei izvo zvinomudzipa tione kuti kana zviripo zviri paari zvichakwanisa here kumisidzana nazvo " vakapedzisa vachidaro ndokubva vanhu vose vati " yaaa apa maronga mbuya Nyaradzo . Izano kwaro iri . Dai zviri izvo zvamaive magara mafunga kubva pakutanga tisina kumbobvira tatambudzika kudai . Zvino toita sei ?" Vakabvunza ndokubva mbuya Nyaradzo vati " itai so , imi chingoitai kunge magamuchira kuti avepo pamba then sezvo kune nhau yemarooro iyi mobva mamutuma kwavo kuti anovazivisa kuti vagadzirire vayenzi . Then ini ndichagara ndakataimira . Anofanira kusvika ataure zveroora nekuti ndinoitira kuti kana anenge azofa vaya vacheme zvekurwadziwa chaiko nemarooro anenge akona . Haaa apa haapabudi nekuti vakomana havana muti unoyera sanhu " Vakapedzisa vachidaro ndokubva mbuya Tindo vati " zvichiita here izvozvo? . Hanty nhau dzakadai dzinofanira kutumirwa munyai here ?" Vakadaro ndokubva mbuya Nyaradzo vati " ndizvo hazvo asi Shumi anozivei ?, kungotaimira Nyasha asipo mobva mamutuma . Haamborambi muchaona " vakadaro ndokubva mbuya Muchemwa vati " regai ndigozama tione . But munhu wacho haavimbiki anogona kuramba . But kana anenge aramba ndinokufonerai mobva maita zvokuzvituma kumba " vakadaro ndokubva vawirirana . Haaa pane iri rezvikomana paive pashata zvekuti paigona kusabudika . Izvi hazvina kunzi hanzi wamwaya weti zvinoputitsa
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,683
|
shona_story_3
|
Shona Story 3
|
STORY#7 HER LIFE'S STORY By tete Manjex (Mai Mike) Chapter 15 . Shumie . Kutaura chokwadi zvinhu zvaive zvakuitika pekwaMuchemwa zvaive zvakundiremera . Tongoti pamwe zveuroyi zvirinani hazvo ; ko zvambuya Muchemwa zvekuzoda kuzonwa mushonga after vanzwa kuti ndaive ndanzi ndinobvisirwa nhaimi ?, ugoona ndaive ndafara veduwe nekuti ndicho chaive chagara chiri chishuwo changu kuti bhudhi namaiguru vangu vawanewo something chinobva kwandiri pakundikurisa kwavakaita . Zvinenge zvisiri izvo zvavaive vakatarisira havo but zvinenge zvichitova nani pane kuti zvinzi ndangomitiswa vobva vashaya kana chidiki chavawanawo . Zvino mhepo dzacho dzaive dzasimuka nekumadokero chaiko. Zuva iri ndiro randazoona kuti vamwene vangu vaindivenga zvisiri zvekufungidzira nekuti kana vairwadziwa nekuti ndinzi ndanobvisirwa pfuma apo ndakatakura muzukuru wavo mudumbu mangu zvinhu zvakangooma . Ndipo pandakazova sure kuti kumboita kwese kwavanosimboita kuya kwekunge vanondifarira l kunenge kuri kupretender . Ndofunga vaitonditsvagira zano svinu chairo rekuti ndibve pamusha pavo musoro umire sewemhakure ndizvo vaingoita semamiriro ekunze kungochinja chinja . Zvino ndaive ndakuvaziva hangu . Zuva iri ndaive ndafunga kuenda . It was better kuti nditetereke nenyika than kuti zvinzi ndamanikidzira kugara pamusha pemunhu asiri kundida zvekusvika pakuda kuzviuraya . Zvino Nyasha akati bodo hapana kwaunoenda . Aive akundida Nyasha zvekuti chero ndega ndaive ndakunyatsoona kuti ndinodiwa . Chero mafariro aaiita paaibva kudanga mushure mekunge audzwa kuti aifanira kunoroora nemukoma wake ndega ndakanyatsoona kuti nhau yacho inenge yaitomudyawo achizvibvunza kuti ndichaita sei zvandisinawo chinhu ?. Zvino apa akaratidza kuti bhudhi vake vaive vamugonera chaizvo . Chimwe chandakanyanya kufarira ndechekuti dzimwe hama dzose dzaive dzaudzwa nezvangu dzaive dzaratidza kuti dzaive dzandifarira . Vanhu vandaive ndisingazive kana vaive vaudzwa ndivo vana tete . Atleast apa ndakaona kuti zvaive nani kuti ndivengwe nemunhu umwechete asi vamwe vose vachindifarira . Paizogarika zvapo nekuti murume wangu Nyasha aimira neni kwete zvekutamba . Haisi nyore kuti munhu asvike pakuudza mai vake kuti imwai mushonga mufe mukadzi wangu hapana kwaanoenda . Saka zvega izvozvo zvakandipa simba chairo ndikazviudza kuti ndaizogara chete . Kana vari sekuru bhudhi vavo vakavaudzisa chaiko zvekuti dai vari umwe munhu vaichinja maitiro . Zvino kungachinja vamwe kwete type dzana mbuya Muchemwa idzi . Ava vaive vekutongotambira kure navo nekuti waigona kungokuduburwa munhu zvikave pasi . Pavakaenda kubedroom kwavo kunorara nesu takangosara Nyasha achipedzisa kubika tichibva tadya ndokubva tanorara . "Ngatinamatei " ndakadaro tichibva tapfugama ndokubatana maoko tonamata . Regai ndingoti ndini hangu ndainamata nekuti Nyasha aive akanyarara but kutongobvuma kubatirana neni ikoko kwaive kwakaringana nekuti zvairatidza kuti ainamatira mumwoyo . Umwe anotoshaya confidence chaidzo dzekunamata vanhu vachinzwa obva anamatira mumwoyo . Tichipedza takabva tapinda hedu mumagumbeze takurara . "Zvinhu zviri right here zvirikuitika izvi babe zvekuti tivate muno mubedroom mevaridzi nekuti zvaratidza kuti mama vaive vanyepa kuti vakataura nanabamkuru ?" Ndakabvunza achibva ati " yaaa vakanyepa but zvinoratidza kuti ivo ndivo vasingatotide kumain house " akadaro ndichibva ndati " ndizvo chaizvo and l blame myself for that but zvakare kuti tishandise imba ino haisi good idea . Ibedroom ramaiguru iri zvekuti hazvitofaniri kudaro . Seni kwandiri bamkuru vatori vatezvara saka kana kumain house tisingadiwe it's better titorara kukitchen imba yevaridzi ivharwe . Ndimo mavanotouya vachizorara imomu kana vauya " Ndakadaro achibva ati " ichokwadi hacho chauri kutaura . Rega tizowacha masheets acho paweekend tobatsirana kucleaner tozosiya tavhara . Isu tinodzokera kumain house ikoko nekuti kwagara ndiko kune room yangu . Hatingambovati mukitchen imba yekurara iriko ka " akadaro ndichibva ndati " it's ok babe thank you nekunzwisisa . Neniwo ndichaedzawo kuita munhu kwaye tisazodzingwe futi " ndakadaro achibva andimbundira nekumashure kissing my neck . Zvaive zvoda kuitika ndaizviziva hangu and l was ready for my husband . Ndakatendeuka kutarisa kwaaive tichibva tasanganisa miromo. Zvaiitika pamiviri yedu tichitsvodana naNyasha zvaisave nemubvunzo wekuti taidanana . The kiss got intense zvekuti taive tobvira tese tichinzwa kuti hazvichabviri. Atleast uku kwaive kure nekumain house saka taiita rudo takasununguka . Akamuka muromo uchingova pane wangu achibva auya pakati pemakumbo ndokuisa ruoko kwakavanzika kwangu . I mourned in his mouth ndichiwedzera kuvhura makumbo . I was so wet zvekuti ndaive ndakunzwa kunonokerwa. Zvino Nyasha romance aiida zvekuti waiti ukazoona opinda unenge wanyatsoibva chaiko . Aigobata pese paangafungire kuti panokunakira zvekuti ndipo pamwe paizobuda mhere ipapo. Zvino apa ndakaona zvanyanya aisa zamu mumukanwa ndichibva ndangobata the little guy ndichibva ndapfekera ndichimuswedza kwandiri nemakumbo angu ndichisimudzira chiuno changu kuti anyatsosvika kwandaida chaiko . Naye dzaive ndangovewo shungu hadzo dzeromance but aive aibvawo kare nekuti the way he groaned paakapinda aive emunhu aive anguva apera . Ndakafemereka ndichiedza kukoka mweya ndichinzwa chikomana chichifema chakazara kuti paa mukati mangu . Iye Nyasha aive angopinda achibva azorora akadaro asina movement yaaita . Ndofunga aidzora ukasha kuti asazokasike arasa mbeu nekuti aiwanzozviita . Zvino ini zvese izvozvo ndaive ndisiri kutombozvida zvachose zvekuti ndini ndakatotanga kuita movement. " l love you " he said achifemereka andisimudza makumbo amaisa pamafudze f*cking me so hard . Ndakafemereka voice richiramba kubuda ndichinzwa kunge ndofa kunge ndorara achibva aita a very deep stroke achiti "l said l love you Shushue " l screamed with pleasure ndichiti "aah !" Akaita a deep strock again achiti " l said l love you " chiuno chaive chotenderedzwa zvino kuita kunge chaive nespring ndichibva ndati " l love you too babe aaah !!! " ndakadaro ndichinzwa ndakuda kuputika . Kutaura chokwadi Nyasha ainaka hake . Bonde airigona zvekuti aiti kana anyatsopedza newe zvakanaka naka waisasara nechikwereti . Taizongovhiringwa hedu nevaroyi vaizotiitisa madzikirira but otherwise dai zvaisava izvozvo , waivata kunge kacheche munhu kusvika kwayedza . "Ndaive zvino ndisisatambe zvandaive ndambotanga ndichiita zviya zvedzungu . Aive ondiratidza zvino kuti iye aive ani ndichibva ndati " Nyasha ndakufa !" Ndaidaro ndichifemereka achibva ati " ifa neni Shushue l love you " ndakaimbongora mhere yekunakirwa ndichiti " Ndakufaaa kani Nyashaaa !!! " ndakadaro nevoice raive pamusoro ndichinzwa zvimwe zvinhu zvaive zvisinganzwisisike kuti ndingati zvii chaizvo zvaive zvakuitika . Muviri wangu waive wakuvibrator kunge hameno . Handifungi kana ndaive ndichiri kufunga zvakanaka nekuti heat yaive kwakavanzika kwangu yaive isingabviri . I think zvakaitika kwe2minutes ndichishaya pekubata uyu Nyasha achifamba kwete zvekutamba kusvika tese tazoti zii takadaro . Chaive chakungonzwika kwaive kufemereka chete. Haaa iro raive rabatwa basa racho kwete zvishoma. "Dzikama Shumi hapana kwaunoenda . Unoda kuendepi uchisiya murume anonaka saNyasha ? " ndakaudza mwoyo wangu kudaro ndichibva ndatoita vow ipapo kuti pana Nyasha ndinofirapo . Chero vaizozama kuita ukiribidi hupi mbuya Muchemwa vaisazondibvisa pamurume wangu hazviite . Zuva iri ndakabva ndatozviudza kuti kana vachifa ngavafe havo . Ivo vaimbozvarirei mwana anonaka ?. Tazorora ndipo paakazodonhera paside pangu achibva andiswedza pedyo naye achibva ati " please promise me kuti chero zvingazorwadze zvakaita sei hauzondisiyewo Shushue?, ndoziva kuti nguva zhinji unenge una mama vangu ini ndiri kuchikoro saka ndinoziva kuti zvakawanda zvinogona kuitika. Ndinokumbirawo kuti uve strong for me babe . Please rwira rudo rwedu . Ukaona panodanana vanhu pobva pashaya chinorwisa hapana rudo ipapo. Pane rudo rwechokwadi chaipo panorwiswa zvekuti kana usina kusimba unogona kutongoita give up ukafadza muvengi. Zvevamwe vasina basa rese avo siyana navo . Ini Nyasha murume wako ndinokuda saka izvozvo zvega zvitori enough kuti uite fight for our love . One day tichaenda kure kure kwatichanogara tiri vaviri pasina anotikanganisa . Iwe neni naTawonanyasha . Nerangu rinofanira kuvepowo pazita rake . Hanty mai Taa ?" Akadaro ndichibva ndagutsurira musoro ndichinyemwerera . Kwaive kungozvinetsa hake asingazive kuti ndaive ndatorovera hoko pekwaMuchemwa ini ndikatozviudza kuti hapana kwandinoenda . Kubvisirwa kana kusabvisirwa ndaimuda Nyasha wangu. "Manje ko kana akazoita musikana imi mati ndiTawonanyasha ?, kumusikana hariite iro " ndakadaro ndichiseka achibva ati" hauite musikana iwe mukomana uyu . Chero ukatarisa zvakaita chiso chako now hakuna munhu anozvara musikana anokwasharara chiso kudaro . Asi hauone chero mapundu aunawo kumeso?; uri tsvarakadenga ka iwe kwete yekuseka , plus unonaka futi " Akadaro achinyevezera munzeve dzangu ndichibva ndaseka ndichiti" hiii usadaro ; kwakuda kundikwidza ndege yemashanga ka uku ?" Ndakadaro achibva ati " so far muno munzvimbo medu handisati ndaona munhu anokupfuura . Une kamwe kakungodadisa kaunako so " akadaro achindiswededza pedyo pedyo naye sezvo ndaive ndakaisa musoro wangu pachifuva chake. Bva kuzhinya kwaive kusiri kwenhamo murimamo . Hakuna chinhu chinonakidza pamwe nekupa manyawi sekuudzwa nemunhu wako kuti ndinokuda veduwe . Chokwadi zvinombobvisa stress handisi kuda kunyepa. "Ndofunga Sunday tirikunobvisa nekuti bamnini vanosimuka kuBindura mangwana makuseni " akadaro ndichibva ndati " zvino kumba vanonoziviswa nani kuti kune vayenzi varikuuya vazogare vakagadzirira?" Ndakabvunza achibva ati " kutaura chokwadi muno muraini handina wandinovimba hangu zvekuti ndingatomuite munyayi ini . Vanhu vazhinji muno kusanganisira zvidhara zvabve zera izvi zvinowirirana namai saka handizozivi kuti pavanosanga vanenge vachirongana kuti chii ?, mira ndizonzwa kuti bamnini baba Gile vanouya vachiti chii ?but so far kutaura idi chairo handina wekunanga " Akadaro ndichibva ndati " yaaa ipapo urikutaura chokwadi . Mirai tizonzwe kuti ivo baba vanouya vachiti chii ?" Takazongowirirana kuisiya yakadaro nhau yacho tichibva tazongobatwawo nehope tichiita nyaya . Zuva iri hatina kana kumbonetswa nemadzikitira . Seni ndaive ndakaneta chaiko zvekuti ndakatozopeputswa negumbo raive rakasimudzwa ndichipiwa zvinhu nemurume wangu . Shiri dzaive dzakutochema panze kuratidza kuti kwaive kwayedza saka paakapedza ndakabva ndamuka ndokugeza chiso nekwakavanzika kwangu kuitira kuti ndizokwanisa kumuka ndiitewo basa repamba . Ndaizogeza muviri ndapedza. Pandakapedza Nyasha akanoteura ndichibva ndauya ndokutira weti mukabucket kaya ndokubva ndatanga kumwaya panze . Atleast zuva iri handina kuonekwa sezvo kwaive kuchakati svibei . Takabuda tese naNyasha akunondibatsira . Aive asingatodi kuti ndiite basa but ndakatomurambira . Aive akutoda kundikanganisa . Takabatsirana tikapedza mama vasati vamuka . Nyasha akageza ndokubva azooneka zvake akuenda kuchikoro . Zuva iri mama vakamuka zuva rabuda . Chero Loca wavaisimbomuka kuzogadzirira zuva iri akatorovha . Ndakavakwazisa ndichitotya kunyararirwa but vakadaira though vaingove low low zvavo . "Nyasha atoenda kuchikoro?" Vakabvunza ndichibva ndati " aenda mama " ndakadaira vachibva vati " zvakanaka, iwe chigadzira unozivisa vekwenyu kuti neSvondo vanhu varikuuya kuzobvisa " pavakadaro hana yangu yakarova zvandisina kunzwisisa kuti waive mufaro here or kwaive kuvhunduka sezvinhu zvandaive ndisina kumbotarisira . "Ini here mama ?" Ndakabvunza vachibva vati " urikuda kuti kuende ani nhai Mamoyo ?" Vakabvunza ndichibva ndati " ndine hurombo kana ndabvunza zvakashata mama . Kungoti ndinoziva kuti nhau dzakadai dzinoda vanyai ndizvo ndatovhunduka but kana zvisina hazvo basa kuti ini ndizviendere ndega hazvina hazvo kuipa " ndakadaro vachibva vati " chitoita nekukasika upinde munzira kuchiri kuseni uzokasika kudzoka " vakadaro ndichibva ndagutsurira musoro ndichitora mvura pamoto kuti ndinogeza . Kuzobvuma uku ndakaziva hangu kuti sekuru vanenge vaive vazonyatsovaudzisa chaiko. Aaa nhai , munhu wepi anongoda kupikisana nevanhu vose iye ari hwani ?
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,711
|
shona_story_5
|
Shona Story 5
|
STORY#8 FORBIDDEN CLAUSE CHAPTER 24 TERENCE Takafamba tichibuda iye aifamba akadhasharara, takanosvika pamota ndichibva ndamuvhurira door achibva apinda. Ndakarova mota ndakananga ku pharmacy ndichibva ndasvika kwakutenga morning after rangu. Ndakatenga nemvura kwakudzoka kumota ndikati "Ooh inwa" akatambira achibva avhura ndakatarisa kwakunwa ndikabva ndasekerera. Umm ndaive ndapinda busy zvee, ndakanomusiya kumba kwavo ndichibva ndadzoka zvangu ku hotel. Mangwana acho ndaida kufuma ndichidzokera hangu kwamutare cz ndaisada zvekuramba ndichinetsana naye. Asi chakandishamisa kuti saka Momo aitove mhandara, ndakamboedza kuda kudzikisa ma feelings angu paari asi ndakatoona kuti apa ndakuda kumanikidza moyo kuita zvausiri kuda ndichibva ndasiyana nazvo. Ndakatofa phone yangu kwakuenda ku chat ra Tsungi ndakamboda kuisa message asi ndakabva ndangosiyana naye ini. Asi ndaiti ndikamufunga hana yangu yairova zvakasimba, ndakazongorara zvangu mangwana acho kwakutomuka ndichienda kumba. Ndakasvika zvekuma 10 kuseni ndichibva ndanogeza kwakudya ndichibva ndatoenda kubasa. Daddy vaive vasipowo saka bho, ndakasvika kupinda mu office mangu ndipo pakafona Frank zvikanzi "Muri vapenyu henyu" "Ehee hangu ndingawanikwa neyi" "Kubva wati zii kudaro bho here" "Haaa pakaipa king, kuti nditi munyama wandiinawo here kana kuti chii unotozvishayawo" "Ko zvadii nhai" "Aaah pakaipa" "Asi akaramba kani Tsungi wacho kuti mudzokerane" "Haa pakaipa bro zvinhu zvakaitika kaa kuna Tsungi I don't think kuti ndingaita zvivindi zvekumuda ini" "Ko chii" ndakamuudza zvese semaudzirwo andakaitwa naye Tsungi. Akamboramba akanyarara zvikanzi "Saka iwewe wanga wafungei" "Haa bro handidi kukunyepera I think mudhara vaya wakavaona that day handingamboite zvivindi zvekurara naye haa kana". "Saka iwewe chauri kuda kuna Tsungi kurara naye here, uri kumbotii chaizvo" "Obvious kaa ndikaroora ndicharara naye ndipo pandingaroore mukadzi wekupfuya here nhai" "Saka iwewe hauchamudi" "Yaa" "Oky but sometimes usatore decision wakatsamwa Terry paya fut patakasvika achinzi ari kuroorwa wakangoramwa ukabva but now wanga wadzoka futi. Iwewe paya patakasvika kuchinzi ari kuroorwa hanty waitoziva kuti aroorwa na baba ivavo. Saka iwewe chawaida kwaari chii iwe wainyatsa kuziva kuti angaari mukadzi wemudhara uya". Ndakatura mafemo zvikanzi "Zvimwe zvacho unaona Terry, I feel for her hangu kuti now aripapi Tsungi. She don't deserve mu coward akaita sewe, nxii wandibhowa hako saka chawakanomutorera chii kuda kumurwadzisa" "Wakutondituka kaa apa" "Ndotokutuka Terence cz haufunge, wakambofunga here kuti achanzwa sei after waita zvawakaita. Pamusoro pazvo wakufonera mumwe musikana aripo. Do you think kuti ukazofunga mushe ukada kudzokera kwaari achaku accepter fut" "Iii wangu chimbomira kundi lectira kaa hausi lecture iwe aizvee. Asi iwewe ndiwe wakumuda Tsungi wacho, enda kaa uninyenga muzadzwe aids dzemadhara" "Akuudza kuti ndomuda ndiyani, kungoti ndarwadziwa kuti ndini ndakamutsvaga munhu uyu wandinetsa uchiti uri kuda number. Ndakupa wakuita mashura akadaro, unoziva kuti ndakadziwana sei number idzodzo miswa mhani iwe nxii" akabva akata ndichibva ndaisa phone yangu pa table. Ndaive ndakunzwa kutsva muviri wese, ndakanyatsa kudzamisa pfungwa ndichibva ndaisa Tsungi apa. Ndaiti ndikamufunga hana yangu yairova fast zvekuti ndaipedzisira ndakutoita confusion chaiyo. Ndakatora Momo kwakumuisa apa asi moyo wangu waibva watosviba asi pfungwa dzangu dzingondiudza kuti ndiyo type yangu. Ndakatora phone yangu kwakumuisira Frank message ndikati "Bro kana wakarwadziwa nezvandakaita Tsungi you're free kuenda kwaari hako wondotora ini handichadi hangu. I think mh heart belongs to Moleen" "Bho Comrade musi waachakuvhurira hombe uchademba Tsungi. Chimboita hako and pa time yacho Tsungi anenge atove pane rimwe level. Chimboita zvemahure emu Harare" "Haasi hure xaa she was still a virgin futi" Akabva aisa tuma emoji twekuseka zvikanzi "Makambotambwa chadinha here king, dadai nehu virgin hwekunamidzira. Uchangwara hako wakanyanya kudzungaira mumwe wangu". Handina kuzomudaira ini, seems like he was mocking me saka ndakabva ndango blueticker kwakusiya akadaro. Ndakaenderera mberi nebasa rangu hangu, mazuva akafamba handina kuzombotaura naye Frank aitoda kundiona semwana wake kundioona sendisingafunge ndizvo zvandaisada zvekuitwa kunge mwana mudiki neumwe munhu. Takatogara mwedzi wese na Momo taingotaura here and there, so mumwe musi akabva aisa message kuti "Hi" "Mushe uri sei" "Haa handisi bho pakaipa" "Ko chii" "I think I'm pregnant" "How nhaiwe inga wakanwa morning after wani saka yakabata sei, haa ita serious iwe nhai chii chakadaro" "I don't know what exactly happened but zvandiri kunzwa now kaa atori ma symptoms enhumbu chete" "Wangu kaa kana uri kuda kuwirirana neni ita zvekuti ubvise nhumbu iyoyo, I'm not responsible xaa unonyatsa kuziva kuti zvakaitika ne mistake and I told you kuti ndine mukadzi. And iwewe une munhu wako so what's the use of keeping that stupid pregnant. Ubvise hako handisi kuda zvekunetsana newe" "Uri kutamba Terry, you can't just do sex with me kaa wondisiya. Izvozvo zvekuti unemukadzi we shall see ndave pa ground. Handina mimba yandiri kubvisa wakajaira mumwe wangu. And ma messages ako ese ndatofowadha mu family group redu saka usafunge wakangwara. Everyone wekumba kwedu ave kutoziva nezvemimba yako saka hapana. Ndongoita mukadzi wechi 2 hazvina basa". Ndakaverenga message yake several times, ndakatoona kuti ndakaita wrong move chaiyo. Ndakatanga kudikitira ndichibva ndatsvaga chat ra Frank, ndakaisa message asi maoko angu aiita kuhuta aya ndikati "Dude madii" aitove online zvake kana kuvhura message yangu ndakaisa imwe zvee "Frank ndokumbirawo kutaura newe" haana futi kuvhura ndichibva ndaita kufona. Ndakamboramba ndakanyarara kuri kushaya pekutangira zvikanzi "Hello" "Bro" "Zviri sei" aitove cool zvake ndikati "I need your help xaa" "Saka kana mave nema problems ndipo pamunoziva kuti vana Frank variko right" "It's not like that bro" "Saka" "Ndiri pama 1 wangu" "Hanzii" "Momo is pregnant bro" "Saka" haa ende Frank wacho angaakatpipirwa asi semunhu aida help ndakatoti regai ndipfavire ngoma kwakuti "Ndiri kuda advice xaa ndodii" "Handina advice yandinokupa ini Terry" "Bro please, you know what ndaive ndakamuti ndakaroora so apa ndiri kuda kubatsirwa kudzokera kuno Tsungi titaurirane ndibva ndaroora hangu zvekuti kana akazoda kuuya anowana ndine mukadzi" "Saka Tsungi ndiye wauri kuda kukavhisa gape rako, wapedza madhiri ako wahwina womu dumper right" "Amana" "You know what Terry, iwewe chimboita nyaya dzako. Pawakanotorana nehure rako waive wega ndisipo saka why wakundikwanisa munyaya dzako nhai" "Frank" akangoridza tsamwa kwakukata, yaa kana uri desperate vanhu vanokuita yese yese sure. Ndakanyatsa kugara pasi plan yaitobuda apa kuti ndinonyengerera Tsungi ndonoroora hangu. Uyu paaisvika ndine mukadzi chete ndaibva ndatojamuka. Ndakabva ndatobuda mu office kwakusiya ndaudza manager zvaifanira kuitwa ndichibva ndatokwira kuenda kuharare. *TSUNGAI* Mazuva akafamba Terry kana kuisa hake message, kana aifunga kuti ndichamunyengerera haa aitozvinyepera hake. Izvozvo ndaisaita hangu, ini zvevarume ndaive ndisisade hangu. Ndakagara zvangu apa iye mwana wacho kukura haikona, apa aitowedzera kufanana na baba vake zvake. Mumwe musi ndaitowacha zvangu hembe dzemwana wangu kuseri ndipo pakauya mama zvikanzi "Mainini" "Mhaa" "Pane munhu ari ku gate uko ari kuti ari kukumbifa kukuonayi" "Munhu, ndiyani iyeye" "Handizive ini endai munomuona" "Ati anonzani" "Haana kutaura uyu" Hana yangu yaive yakurova ko ndiyani ko iyeye aiziva oabasa pangu, and anongouya asina kutaura. Ndakatombofunga kuti zvimwe ndivana mama vaive vauya kuzovhiringa basa rangu. Ndakafamba kuenda ku gate ndichibva ndavhura kwakubuda, ndakaona pasina munhu ndakutoda kudzokera ndipo pandakanzwa "Tsungi" ndakacheuka, ndakanzwa kusvotwa ndamuona Terry achiuya. Handina kuda kumusekerera ndakabva ndati "Ndiwe wanzi uri kundida" "Ehee ndokumbirawo kutaura newe" "Kwakanaka here" "Mai Ju" Akadaro achida kundibata ndikamusundira kure ndikati "Ndisiye please, ukuda kundibatirei" Haana kutaura akabva apukuta kumeso kwake zvikanzi "Tsungi" "Usangorambe uchiti pwungi pwungi kunge usina kukwana, taura nyaya yako ndiri kuda kudzokera kubasa ini" "Babe" akada kundibata ndakanyatsa kumusunda zvikanzi "Ndokumbirawo ruregerero pane zvese zvandakaita Tsungi, ndichiri kukuda. Kubva paya handina kumbowana peace kubva day riya. Please Tsungi ndiri kutaura zviri kubva pasi pemoyo wangu chaiko" ndakanyatsa kumira zvakanaka ndichibva ndagumbata ndikati "Kana waona kuti zvawanga uri kuronga zvaramba ndipo paunofunga kuti kune benzi riye rinonzi Tsungi. Manje kana zvirizvo zvawavinga pank wairasa, handisisiri Tsungi wamajaira kuita bhora. Handina basa newe ini Terry handina kumbokuchemera kuti ndiri kuda kuroorwa kana kudii, ndofunga uri kuona kuti ndiri kutosimba. Saka dai uri mumwe wafamba hako wabva pano wondisiya ndichizvishandira wanzwa" "Babe chimbomira kudaro, I love you Tsungi" "Hazvimbofi zvakachinja kurara kwandakaita na bamukuru vangu, handiti musi uya wakatsamwa ndakuudza kuti ndaivata na bamukuru. Saka chii chachinja mnje" "Chirega kudaro babe, ndinokuda nemoyo wese but kungoti musi uya handizive kuti chii chakaitika ufunge" "Ukanyatsa kufonera mumwe musikana ndiripo, xaa kaa famba uende shamwari handichina basa newe ini. Ndakatopera basa kudhara ini zvevarume handichina basa nazvo ini". Ndakabva ndafamba kwakupinda mu gate ndichibva ndavhara kwakufamba kupinda mukati. Hameno kuti akasafa achidii ndichibva ndanopinda mumba, ndakanogara pa bed kwakutanga kufunga. Kutaura chokwadi Terry ndaimuda but kuti ndingoti pese paanenge adzoka ndomuregerera ndakatoona kuti ndinenge ndaita loose. Saka ndakatoona kuti regai ndimbomujamukira anyatse kuona kuti handisi simple like zvaaifunga. Ndakazobika zvemanheru mama ndipo pavakauya ku kitchen zvikanzi "Muri kudiwa ma daddy mainini" hana yangu yakatanga kurova ndikati ko ndaresvei zvee. Ndakafamba kuenda ku dinning ndichibva ndanogara pa sofa ndikavamhoresa zvikanzi "Munhu ari ku gate uko ndiyani wenyu nhai tete" ndizvo zvavaindiita ndikati "Handisi kuziva ini kunani" "Pane murume hameno mukomana here, ndasvika ndichida kupinda akagara pa gate. So ndamubvunza kuti ndiwe ani ari kuti ari kuda imi apa ndasvika zviri kunzi auya masikati chaiwo. Saka ndiri kuda kuziva kuti inyaya dzeyi dziri kuitika panapa" vakadaro baba vacho ndikati "Kutaura chokwadi baba kaa handisi kutoziva kuti ari kudei ini. Ndataura naye masikati ndikatofunga kuti tapedza isu handina kuziva kuti acharamba aripo ini" "Muchiri kuda basa here tete" "Basa ndorida baba" "Ndokumbirawo munotaure nemunhu wenyu abve pa gate pangu, muchandiunzira mbavha pano imi" Vakadaro vatotsamwa zvikanzi "Handisi kuda kuona munhu ipapo endai munopedzerana nemunhu wako" "Ehoni" ndakabereka mwana wangu kwakufamba kubuda panze. Ndaida kunomushaudha ndizvo zvaaitsvaga kaa kuti awane kundidzingisa basa imbwa yemunhu. STORY#9 HER LIFE'S
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,531
|
shona_story_13
|
Shona Story 13
|
STORY#13 HER LIFE'S STORY By tete Manjex Chapter 11. Shumie. Nyasha akatozodzoka mumba atopedza kugeza zvekuti aende kuchikoro . Dzaive dzazondiba hope ndokutozopeputswa naye paaivhura door . "You can rest hako ndaita zvese pamba . Wozomuka kuma7am ini ndakuenda kuchikoro " akadaro achinditsvoda padama ndichibva ndati " aiwa seven haazoite rega ndimuke . Kana panenge pasina zvekuita ndichangogarawo mukitchen imomo hapana problem " ndakadaro achibva ati " nharo dzaunadzo dzakaoma Shushue . Ndotoshaya kuti mwanai wawakatakura nekuti ndiye ane nharo iyeye . Shumie wandinoziva ini haana nharo " Akadaro ndichibva ndaseka ndokuti " handina nharo ini but zvimwe zvaunoda kundiitisa hazviite . Dai kwanga kuri kumba kwedu ndaizorara kusvika kwayedza . Zvino pano ndirimuroora . To make matters worse muroora mutsva zvakare. Zvino ndotowanikwa ndichimuka zuva rabuda?, haaa zvimwe zvacho hazviite . Hazvinakidze kuti mama vagare vachingopopotera chinhu chimwechete mazuva ese " ndakadaro achibva ati " vanofanira kunzwisisa kuti wakazvitakura babe . Varoora vakare nevazvino ma2k aya vakatosiyana nekure . Iyezvino zvinhu zvashanduka saka vanofanira kufambidzana nenguva " Akadaro ndichibva ndati " chienda unovaudza izvozvo ugoudzwa kuti uchaiona ngozi yekwaMadyirapanze kkk " ndakadaro ndichiseka achibva ati " haiwa ndatozvijaira izvo ndizvo ndisingatirimuki . Havasi kuzvitanga nhasi saka ndakungozvitora senziyo . Anyway , ndikunonoka shaa rega ndimhanye kuchikoro . Chimwe chandinokumbira ndechekuti usatsikewo pasi netsoka usina kupfeka shangu please , ndakaona kuti unozvifarira " Akadaro ndichibva ndati " handizvifariri but ndinongova nepair hwani yematennis saka ndinenge ndichichengetedza " ndakapindura achibva ati " pfeka iwayo ndichaita plan . Now tora chigaba chako ichi uite chikaranga chedu chiya ndakuenda " akadaro achibva anditsvoda padama achibva abuda . Ndakapfeka matommy angu ndichibva ndatora kabucket kaya ndichibva ndatangira nechemumba imomo ndichimwaya . Ndakabuda panze ndokutanga kumwaya zvakare pamusiwo pese ndokubva ndanzwa " ko urikuitei ?" Ndakavhunduka nekuti ndaive ndatorivara kuti paisave pamba pekwedu . Ndakakakama ndichipedzisa kuteura zviweti zvaive zvasara mbuya Muchemwa vachisvikawo pandaive ." Asi hauna kunzwa zvandabvunza ?" Vakadaro vakanditarisa mumaziso chaimo ndichibva ndati "Ndanga ndanamatira mvura ndiyo yandanga ndichimwaya mama . Ndine hurombo kana musina kuzvifarira " ndakatoti rega ndizvininipise nekuti zveshuwa ndaive ndaita zvakaipa . Ndaifanira maybe kutanga ndataura navo , but kuti ndivaudze kuti yaive weti zvakandirambira ndichibva ndanyepa ndichiti yaive mvura yemunamato . "Saka unoita zvivindi zvekuzomwaya mvura yemunamato pano pamusha pangu ?, kundipumha uroyi ka uku ?" Vakadaro ndichibva ndati " ndine hurombo mama ndaita ndisina kufunga . Ndatadza ndanga ndichifanira kunge dai ndatanga ndakumbira kwamuri . Ndinovimbisa kuti hazvife zvakaitika zvakare " ndakapindura ndakazvininipisa vachibva vati " handizvidi zvawaita izvi ngazvipere nhasi . Handidi zvinhu zvisina nebasa rese pano " Vakadaro ndichibva ndati " ndazvinzwa mama handizvidzokorore zvakare " pandakadaro vakabva vangoridza tsamwa ndokutanga kufambisa vachidzokera kuimba yekubikira . Ndakanochera mvura padrum raive panze ndichibva ndasuka kabucket kaya ndokunokaisa mumba mangu ndokuzobuda ndakuenda kukitchen . Ndakawana vagere pedyo nemoto vachisarudza dzungu. Ndakanozvipetawo necheseri kwedoor nekuti ndaiona kuti munhu waMwari aive akabatikana kwete zvishoma. Kunamata ndasaizorega hangu , chero iko kumwaya weti yachona ndaisazorega asi ndakaona kuti ndaifanira kuita zvinhu zvangu ndakangwara chete . Mumba maive makachena acleaner nemwoyo wese Nyasha . 'Donditambidza ndiro ndikupakurire porridge Mamoyo " vakadaro nenzwi raive ratisununguke zvishoma ndichibva ndasimuka ndakunotora ndiro . Raive richinhuwira riripamazimbe zvekuti mumukanwa mangu maive mazara mate . Vakandizadzira ndiro ndichibva ndanorigarira . Haaa vaigona zvavo kubika porridge vamwene vangu . Regai ndingoti vaigona kubika zvese nekuti chikafu chavo chese chinenge chichinaka . Ndakaridya ndikaguta chaiko and vaive vanyatsoisa dovi rakawanda . Pandakapedza kudya ndakasuka ndokurongedza ndiro ndichibva ndadzoka kuzogara . Atleast zvaive zvave nani nekuti vaive vakutoitawo nyaya . "Mira ndiise rice pamoto uzokasika wadya nekuti handidi kuzotukwa naNyasha zvakunzi munonyima mukadzi wangu chikafu " vakadaro ndichibva ndati " haiwa musazvinetse henyu mama ndaguta ini . Maybe masikati but porridge rinogara mudumbu zvaro " ndakadaro vachibva vati " zvakanaka ndichazobika masikati . Mira ndimbopinda muchisango umo ndinotsvaga zumbani . Roka akabatwa nedzihwa saka ndinoda kuti azonatira kana adzoka kuchikoro " Vakadaro ndichibva ndati " zvakanakai mama . Ndakamuona nezuro kuti abatwa neflue yakaipa saka munenge matomugonera " ndakapindura vachibva vasimuka ndokutora chipadza chavo vakuenda . Ndakasarawo ndakubhowekana ndichibva ndatodzokera kubedroom kunorara hangu . Ko dzaimbononoka kutora here hope dzacho ?, nhumbu yaindirarisa zvekuita kunge hameno iyoyi . Ndakarara kudaro ndakabva ndatanga kurota ndichiona ruoko rwemunhu rwuchisvinira chinhu chandisina kunyatsoona kuti chaive chii mundiro yaive nerice . Ndaiita kunge ndaiita zvekudongorera kuti ndinyatsoona nekuti ndaiita kunge ndaive nechekure . Munhu uya achipedza kusvinira zvinhu zviya akabva asundira ndiro iya kwandaive kuita sekuti aipa ini dzinova ndidzo nguva dzandaitopepukawo ndichinzwa kuzunungutswa . Ndakamuka ndichivhunduka nekuti ndaive ndafunga kuti pamwe aive Nyasha aive adzoka kuchikoro . Kutaura chokwadi ndakavhunduka nekuti ndaive ndatozviudza kuti ndaive ndarara zuva rese ndisina kumbobvira ndamuka . Pandakamuka ndakawana vari vamwene vangu vakatotakura tray kuratidza kuti vaive vatodzoka kwavaive vaenda kunotsvaga zumbani vachibva vatouya vakubika ini ndakangorara chete ?, kutaura chokwadi ndakazvinyarira ndikashaya pekupinda nenyadzi . Uku ndiko kwaive kunyadzisa kwemhando yepamusoro chaipo. "Matodzoka mama ?" Ndakadaro nenyadzi vachibva vati " handina kumbosvika ndichimira ini . Ndariwana pedyo apo panoperera munda ndichibva ndatodzoka . Ndauya nechikafu ichi kuti udye mwana angafe nenzara " vakadaro vachigadzika tray pamubhedha vachibva vavhura ndiro yacho . Hana yangu yakarova pandawana riririce raive nemachuncks zvaifanana exactly nezvandaive ndarota . "Chii chirikuitika?" Ndakazvibvunza mumwoyo but mhinduro ndakaishaya . Problem ndeyekuti ndaive ndangoratidzwa ruoko chete ndisina kuona munhu wacho kuti aive ani ?. Kutaura chokwadi ndaive ndave confused zvekuti ndakashaya zvekuita . "Aaaa mangozvinetsa henyu mama nechikafu . Handina nzara ini dumbu richiri rakazara neporridge riya rekuseni " ndakati regai ndiirambe zvakangwara zvisingaite kuti vazotsamwa vati akaramba chikafu chandaive ndamubikira . Kutaura chokwadi chaive chakabikwa zvakanaka chikafu ichocho zvekuti dai ndaive ndisina kurota hope idzodzo pamwe dai ndakadya but chandakaramba kutora risk . Mungandishore zvenyu hama dzangu kana kundiona semunhu asingatendi but dai ndaive ndisina nhumbu ndaizogona kudya . Mbuya Muchemwa vaive vataura pachena zuva riye kuti Nyasha haangaiti mwana iye achiri mwanawo . Zvino ipapa ndaitofanira kuita zvinhu zvangu ndakachenjera . Hope ndaive ndadzipiwa pachena though ndisina kuoneswa munhu wacho but iko kutongoti ndarota rice richisvinirwa chandisina kuona ndoti ndichimuka ndobva ndapiwa rice rakadaro zvakare ndakaona zvisina kana nemusoro wese . Ndaifanira kugara ndakachangamuka . Munhu anokuisira mushonga wekubvisa nhumbu muchikafu ikabva achiitira kuti kana inenge yabva anenge akuwana madzingiro aangakuita achiti nekuti mimba yawaive wakagarira pano haichisipo ." Aiwa haungadaro ka nhai Mamoyo . Chokwadi ungati ndaita rudo rwakadaro rwekukubikira nekukuvigira kuti uzodya wondidaro ?. Asi une zvaunoshora here pandiri kana kuti unofunga kuti pamwe ndinogona kungokuuraya ?" Vakabvunza ndichibva ndamhanyira kuti " aiwa mama musadaro . Kungoti kubva zvandaita nhumbu iyi amwe mazuva ndirikungoti kana ndikadya ndinofufutirwa zvichienderana nechikafu chandinenge ndadya saka kuti musazoone sekuti ndatambisa chikafu regai ndichichichengetere muno ndigozodya hangu kana ndanenzara " Ndakadaro vachibva vati " uchadya zvenguvai nekuti ini ndanga ndichida kuti udye izvozvi vana vechikoro vasati vadzoka nekuti handina kuvasiira chikafu vasazofunge kuti pamwe handidi kuti vadye chikafu chakanaka saka ndinoda kuti kana unenge wadya ndobva ndatora ndiro ndosuka " vakadaro ndichibva ndati :chero after an hr mama ndinodya " ndakapindura vachibva vati " usarege . Ndichazenge ndichiuya kuzotarisa kana unenge wadya " vakadaro vachibva vabuda . "Ummm kutaura chokwadi hapana kundijekera zvachose apa . Zvakamboitikepi nhaimi kuti munhu anomanikidzwa kudya chikafu asingachide ?, izvo zvaimeka sense here kuti zvinzi rice rinobikirwa ini ndega vamwe vasingadyi?. Kunyima nechimuzukuru chavo ichocho Loca chavaida kudaro ?. Hameno kuda ndaive ndichifungira zvisiri izvo hangu but kutaura chokwadi paive pasina kujeka . Pavakabuda ndakanomira pahwindo ndakatarisa ndokuona vachitora rupasa vachibva vaenda ndokunowaridza pamuti waive pakati nepakati peyard zvekuti chero dai ndaiti ndinoda kubuda ndinoteura zvaisaita zvachose . Ndakatura mafemo ndakamira panzvimbo imwechete ndichishaya zano rekuita . "Kuti ndidye then kana ndapedza ndonwa weti?" Ndakazvibvunza mubvunzo but mwoyo wangu wakatya zvakare ndakufunga kuti ko kana yaive poison chaiyo chii chaizotika nekuti weti chainofumura zvinhu zvine huroyi chete . Kana waizoti wadya nduru yengwena wobva wanwa weti waizongofa wakatemba . Kutaura chokwadi ndaive ndave parumananzombe chaipo . Ndichiri ndakamira ipapo ndichishaya zvekuita ndakazonzwa vakuti " ko iwe wadzoka nguva dzino hanzi chii ?" Ndakanzwa vachidaro ndichibva ndanzwa " ndirikunzwa musoro " Aive Nyasha aitopindura achiuya kubedroom ndichibva ndamhanyira kunogara pasi . "Aiwaka Nyasha . Haungatauri zvekuti wanzwa musoro uchibva wadzoka kumba . Zvakamboitika kupi izvozvo ?, wakatanga rini kuenda kuchikoro Nyasha ?, une chero zuva rimwechete here rawakambodzoka kumba uchiti warwara ?. Kunei kuno ?" Vakabvunza vachitevera kumashure achibva aramba akanyarara achipinda mumba . "Hausi kunzwa zvandirikutaura here Nyasha ?, ndati chikonzero chaita kuti udzoke ndechei ? " vakabvunza ndichibva ndati " ko iwe wadzokerei nhai Nyasha ?' Ndakabvunza achibva ati " handisi kunzwa mushe , ndokumbirawo uswedere uko ndimborara " aidaro achitokwira pamubhedha apedza kubvisa bhutsu ndokubva mai vake vati "hauna kuvata kwauri kuita Nyasha . Haungaiti zvekutamba nechikoro nekuti waita mukadzi. Kana zvakadaro zvirinani ndifonere baba Marina ndichivaudza kuti wakuita zvekutamba nechikoro nekuda kwemukadzi . Unoda kuita rombe here iwe ?" Vakabvunza ndokubva Nyasha ati " saka murikuda kuti ndigare kuchikoro ndichinzwa musoro here mama ?, ndinodzidza sei musoro uchitema ?. Kana muchiti ndinonyepa fonai ka kuchikoro mubvunze kuti handina kupiwa tsamba here yekuti ndidzoke ?. Yazongove mhosva nekuti Mamoyo aripano ?. Ayo mapiritsi andabva nawo kuclinic ayo andanzi ndinomwa after ndapedza kudya " Akadaro ndichibva ndati " pane chikafu chandanga ndabikirwa namama pano chandanga ndisati ndadya . Mirai ndikupei icho muwane kumwa mapiritsi. Ini handisati hangu ndanenzara " ndakadaro ndichisimuka ndokubva mbuya Muchemwa vati " unoda kumupa chikafu ichocho kuti zviite sei ?, hanty ichocho ndechako ?, iwe idya ichocho then ini ndichanopakurira Nyasha chake " vakadaro ndokubva Nyasha ati " ko chine basa reiko mama ?, inga ataura kuti haasati ave nenzara wani ?, ndipe kuno ndidye Mamoyo . Iwe kana wane nzara uchanotora changu ichocho wodya " Akadaro achigara pamubhedha ndokubva ndamugamuchidza ndiro yacho sezvo ndaive ndagara ndakatoibata .
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,613
|
shona_story_2
|
Shona Story 2
|
STORY#6 KUKOHWA RUFU factor0 Stories by: Honorable Chingas Chapter 11 Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri. Ndaida rubatsiro apa. Game guard ava ndaifanira kushanda navo parizvino, pane rubatsiro rwakakura rwandaizoda kubva kwavari. Ndaida futi kubata Kena kuJoni. Kena ndeuya aishanda saSecurity guard pamba paboss Zephe pandakatanga kushanda paye. Kena aifanira kundohwandisa mhuri yangu Shefu vaya murungu vasati vasvikako. Kena aive ave kushanda saPrivate investigator futi pacompany iya yandakadzingwa. Ndofonera mapurisa here?. Imwe pfungwa yakandiudza kuti ndimbomira kufonera mapurisa, munogona kudaro mune nyoka mumapurisa umu. Ndaifunga izvi apo ndaienda kundotora Game guard uya pandaive ndamusiya. Ndakamusheedza achibva abudikira achiuya kwandaive. "Pakaipa wangu, tave kundotora mota tindopisa zvitunha tobva taenda kwaChecheche" ndakadaro achibva abvumira. Ndakapfeka magirovhosi ndokupa mamwe game guard taiitira kuvhiringa mafingerprints ndichibva ndapinda mumba ndokutora machisi nepeturu 20 litres yaiva mumba. Ndakananga kumota ndokuisa chigubhu chepeturu kumashure kwaiva nezvitunha. Ndakatyaira ndichitaura nagame guard ndichimusimbisa. Handina kuda kumuudza zvizhinji asi kungoti ngaashande neni. Takapinda muchakasara chesango tichishandisa kanzira kaionekwa zvishoma. Nzvimbo iyi yaitaridza kuti haisvikwi svikwi. Takaburuka ndokubva ndatora chigubhu chepeturu ndokudira mota yese nezvitunha. Ndakabhara machisi ndokuikanda. Pakaita kuputika nekuvirima kukuru kwemoto. Takamhanya taakudzokera kundobata nzira yaizotisvitsa kwaSave kurwizi. Kunze kwange kwaakuchena apo takasvika panokwirirwa zvikepe. Zvekutuhwina ikozvino zvaisaita nekuti game guard vaive vasingazvigoni. Mushure mekubvisa nhumbi dzaguard dziya, ndakazvidira mvura ndokupfeka nhumbi dzangu. Ndakabudisa foni yangu ndokubata Ambai kuti azotiyambusa. Akauya zuva raakutobuda ndokuyambuswa. Nyaya yandaive ndatarisana nayo yaive hombesa. Handina kufungidzira kuti ingandisvitsa kwakadai. Mushure mekuongorora maFoootages pacomputer, ndakarara pamubhedha mumba mangu ndokufonera Kena kuSouth Africa apo game guard vaya vachibika mukitchen. "Kenias Chinyimo. Wadii" ndakadaro. "Ndiri bhoo, warova mukomana, boss Zephe vange vachitombotaura nezvako nhasi chaiye. Hanzi ndakushuva" "Inzwaka Kena, paita emergency inoda iwewe. Pane nyaya yandiri kutamba kunoku yakakomba, ndodawo help yako. Ndokumbirawo uende kuAlberton undotora mhuri yangu uivige. Pane munhu arikuuya kuzoiuraya. Kutaura kudai atosimuka kubva kunoku or anogona kungofonera munhu ondovauraya. I am worried shamwari". Ndakamurondedzera masvikiro aanoita. Mudzimai ndakamufonera ndichimuudza kuti pane aizovatora. Akambonetsa kunzwisisa asi ndakazama nepandinogona napo kuti abvume. Taakudya ndakakurukura naGame guard. "Zita rako unombonzi ani" "Ndinonzi Zviba, Zvibatsirei Mapato" akapindura guard. "Tinofanira kudzokera kuHumani nhasi. Hatina nguva." Ndakadaro ndikaona Zviba oratidza kutya. "Hamuzorori saka, tirikundodii ikozvino kuHumani, ini ndatotiza basaka dai ndisina kufonera shamwari yangu paya kuti ivhare vhare varungu paitoshata". Zviba ainge asingachadi zvekudzokera kuHumani. Zviitiko zvaakaona nazvino zvaingomuvhundusa. "Tinoenda usatya. Ko anoshanda saManager paHumani anonzi zita rake?" "Anonzi Tommy, murungu zvakare,vazhinji vakamupa nickname yekuti sekuru Bveni, Sekuru Bveni ndoravanonyanya kuzikanwa naro". "Arikudyidzana nemhondi, ndiye watiri kufambira ikoko, toda kumubvunza. Anowanzowanikwa panzvimbo dzakaita sei" "Anowanzotambira pazvimabhawa zvemukomboni pakati paya apa, anodanana nemusikana anotengesa muchibottle store cheipapo. Sometimes anowanzoenda kuChiredzi kunenge kune munhu wake zvekare ikoko, haaiti 2 days asina kuenda kuChiredzi" akatsanangura Zviba. "Ko iwe foni yako irikupi" "Foni ndakaisiya kumba kukomboni ichichaja. Ndosaka ndatokumbira yenyu paye pandabata shamwari yangu. "Fonera shamwari yako uchiikumbira kuti ibvunze kuti Sekuru Bveni varipo here, usaita zvinoita kuti shamwari yako ive nemibvunzo". Zviba akafonera shamwari yake. Mhinduro yakazouya mushure mechidimbu che awa. Sekuru Bveni vainge vachangobuda kuenda kuChiredzi, vakabuda nemota yavo pickup chena. Saka taifanira kundovagarira munzira vaakudzoka. Takatenderana kuti taizovamirira muroad inobva kuChiredzi. Aiwanzobva kuChiredzi kuma 3pm saka kuma around 4 anenge ava pakati apa. Ndakatarisa nguva ndikaona dzichiti 08:37am. Taifanira kubva muno maChecheche kuma past 1. Takambozvipa nguva yekurara. Ndakadzima foni imwe iya inema number andaifonerwa nevanhu vaida kuzotakurwa netax. Macalls acho ange onyanyisa. Ndakaseta alarm kuti timutswe na 12:15. NaExactly 12:15, alarm yakachema. Takamuka ndokugeza ndakatora midziyo nezvombo zvekushandisa kuhondo ndokuzviisa musatchel. Ndakavhura WhatsApp ndokuwana mune mamsges akawanda. Ndakapindura ese, ndakaenda paGroup reCombined Checheche Residents ndikawana nyaya yemota yakatsva kuHumani musango ichitsviriridza, vamwe vaiti nzou ndodzakakonzera kutsva kwemota vamwe vakati maGame guard ndookapfura mota. Mapurisa ndoandange ndaakuzomirira kunzwa kuti anotii. Ndakatakurawo nemari yakawanda just incase pane paingazoshanda. Takapinda murank ndokunanga paGreen market pachiimba chiya taakundodya sadza pamai Tatenda. Aibika mukunda wangu. Ndakafonera mudhumeni wekwaGudo ainzi Tenda kumhiri kwaSave kuti andipewo mudhudhudhu wake. Haana kuita nharo nekuti mari aiidisa. Takawana akatigarira pamhiri perwizi, ndakawedzera peturu pamagirosa epaGudo clinic, ndakakera Zviba ndokurova nzira takananga kunzira kwataindogarira manager wepaHumani. Zviba ainwa super yake arikumashure kwemudhudhudhu. Takananga nemuLavanga ndokundobudira kuHomestead nemugwagwa unoenda kuChegwite. Road iyi yaindogurana neiya inobva kuchiredzi tichangodarika paHomestead. Ipapo padzinodimburana ndopataida. 3:17pm tange tasvika. Ndakapaka mudhudhudhu pakavanda ndokubva tagara pamumvuri paibata network zvishoma tichiterera kudhuma kwemotokari. Ndakabudisa mabinoculars angu ndokuongorora nzvimbo. Paiva nesango chairo apa. Pakadarika motokari yaibva kudivi rekuHumani ichienda kuChiredzi, iyi hatina kuita hanya nayo iyi. Chandaiva ndave kutya inyati nekuti nzvimbo iyi hanzi dzainge dzakawandisa, idzo tsoka dzacho dzaitoonekwa kudhinda pese pese. Kwakapera rinenge awa rese tichingokurukura. Mhunhaurirano yangu naZviba ndakabata zvakawanda, ange amwira mwira saka ange odururura kutaura. Sekuru Bveni vaive nenyaya. Ndakavhura kuWhatsap ndokuona Kena ari online anga aisa ma messages matatu ese. "Shamwari very sorry, mhuri yako hakuchina, ndazama kukufonera but you were not reachable. Ndawana vakafa vese vari vatatu. Rega ndikuisire mifananidzo yavo. Vaurawa ndokuzendamiswa pamasofa. Ndodeedza mapurisa here?" Message imwe yaidaro. Ndakanzwa dzungu ndikabuda dikita. Ndakati ngondongondo kugara pasi. Iii chokwadi rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguvo. Asi pachapwa madziva, miramba tichanyurura. STORY#7 HER LIFE'S
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 831
|
shona_story_14
|
Shona Story 14
|
STORY By tete Manjex Chapter 11. Shumie. Nyasha akatozodzoka mumba atopedza kugeza zvekuti aende kuchikoro . Dzaive dzazondiba hope ndokutozopeputswa naye paaivhura door . "You can rest hako ndaita zvese pamba . Wozomuka kuma7am ini ndakuenda kuchikoro " akadaro achinditsvoda padama ndichibva ndati " aiwa seven haazoite rega ndimuke . Kana panenge pasina zvekuita ndichangogarawo mukitchen imomo hapana problem " ndakadaro achibva ati " nharo dzaunadzo dzakaoma Shushue . Ndotoshaya kuti mwanai wawakatakura nekuti ndiye ane nharo iyeye . Shumie wandinoziva ini haana nharo " Akadaro ndichibva ndaseka ndokuti " handina nharo ini but zvimwe zvaunoda kundiitisa hazviite . Dai kwanga kuri kumba kwedu ndaizorara kusvika kwayedza . Zvino pano ndirimuroora . To make matters worse muroora mutsva zvakare. Zvino ndotowanikwa ndichimuka zuva rabuda?, haaa zvimwe zvacho hazviite . Hazvinakidze kuti mama vagare vachingopopotera chinhu chimwechete mazuva ese " ndakadaro achibva ati " vanofanira kunzwisisa kuti wakazvitakura babe . Varoora vakare nevazvino ma2k aya vakatosiyana nekure . Iyezvino zvinhu zvashanduka saka vanofanira kufambidzana nenguva " Akadaro ndichibva ndati " chienda unovaudza izvozvo ugoudzwa kuti uchaiona ngozi yekwaMadyirapanze kkk " ndakadaro ndichiseka achibva ati " haiwa ndatozvijaira izvo ndizvo ndisingatirimuki . Havasi kuzvitanga nhasi saka ndakungozvitora senziyo . Anyway , ndikunonoka shaa rega ndimhanye kuchikoro . Chimwe chandinokumbira ndechekuti usatsikewo pasi netsoka usina kupfeka shangu please , ndakaona kuti unozvifarira " Akadaro ndichibva ndati " handizvifariri but ndinongova nepair hwani yematennis saka ndinenge ndichichengetedza " ndakapindura achibva ati " pfeka iwayo ndichaita plan . Now tora chigaba chako ichi uite chikaranga chedu chiya ndakuenda " akadaro achibva anditsvoda padama achibva abuda . Ndakapfeka matommy angu ndichibva ndatora kabucket kaya ndichibva ndatangira nechemumba imomo ndichimwaya . Ndakabuda panze ndokutanga kumwaya zvakare pamusiwo pese ndokubva ndanzwa " ko urikuitei ?" Ndakavhunduka nekuti ndaive ndatorivara kuti paisave pamba pekwedu . Ndakakakama ndichipedzisa kuteura zviweti zvaive zvasara mbuya Muchemwa vachisvikawo pandaive ." Asi hauna kunzwa zvandabvunza ?" Vakadaro vakanditarisa mumaziso chaimo ndichibva ndati "Ndanga ndanamatira mvura ndiyo yandanga ndichimwaya mama . Ndine hurombo kana musina kuzvifarira " ndakatoti rega ndizvininipise nekuti zveshuwa ndaive ndaita zvakaipa . Ndaifanira maybe kutanga ndataura navo , but kuti ndivaudze kuti yaive weti zvakandirambira ndichibva ndanyepa ndichiti yaive mvura yemunamato . "Saka unoita zvivindi zvekuzomwaya mvura yemunamato pano pamusha pangu ?, kundipumha uroyi ka uku ?" Vakadaro ndichibva ndati " ndine hurombo mama ndaita ndisina kufunga . Ndatadza ndanga ndichifanira kunge dai ndatanga ndakumbira kwamuri . Ndinovimbisa kuti hazvife zvakaitika zvakare " ndakapindura ndakazvininipisa vachibva vati " handizvidi zvawaita izvi ngazvipere nhasi . Handidi zvinhu zvisina nebasa rese pano " Vakadaro ndichibva ndati " ndazvinzwa mama handizvidzokorore zvakare " pandakadaro vakabva vangoridza tsamwa ndokutanga kufambisa vachidzokera kuimba yekubikira . Ndakanochera mvura padrum raive panze ndichibva ndasuka kabucket kaya ndokunokaisa mumba mangu ndokuzobuda ndakuenda kukitchen . Ndakawana vagere pedyo nemoto vachisarudza dzungu. Ndakanozvipetawo necheseri kwedoor nekuti ndaiona kuti munhu waMwari aive akabatikana kwete zvishoma. Kunamata ndasaizorega hangu , chero iko kumwaya weti yachona ndaisazorega asi ndakaona kuti ndaifanira kuita zvinhu zvangu ndakangwara chete . Mumba maive makachena acleaner nemwoyo wese Nyasha . 'Donditambidza ndiro ndikupakurire porridge Mamoyo " vakadaro nenzwi raive ratisununguke zvishoma ndichibva ndasimuka ndakunotora ndiro . Raive richinhuwira riripamazimbe zvekuti mumukanwa mangu maive mazara mate . Vakandizadzira ndiro ndichibva ndanorigarira . Haaa vaigona zvavo kubika porridge vamwene vangu . Regai ndingoti vaigona kubika zvese nekuti chikafu chavo chese chinenge chichinaka . Ndakaridya ndikaguta chaiko and vaive vanyatsoisa dovi rakawanda . Pandakapedza kudya ndakasuka ndokurongedza ndiro ndichibva ndadzoka kuzogara . Atleast zvaive zvave nani nekuti vaive vakutoitawo nyaya . "Mira ndiise rice pamoto uzokasika wadya nekuti handidi kuzotukwa naNyasha zvakunzi munonyima mukadzi wangu chikafu " vakadaro ndichibva ndati " haiwa musazvinetse henyu mama ndaguta ini . Maybe masikati but porridge rinogara mudumbu zvaro " ndakadaro vachibva vati " zvakanaka ndichazobika masikati . Mira ndimbopinda muchisango umo ndinotsvaga zumbani . Roka akabatwa nedzihwa saka ndinoda kuti azonatira kana adzoka kuchikoro " Vakadaro ndichibva ndati " zvakanakai mama . Ndakamuona nezuro kuti abatwa neflue yakaipa saka munenge matomugonera " ndakapindura vachibva vasimuka ndokutora chipadza chavo vakuenda . Ndakasarawo ndakubhowekana ndichibva ndatodzokera kubedroom kunorara hangu . Ko dzaimbononoka kutora here hope dzacho ?, nhumbu yaindirarisa zvekuita kunge hameno iyoyi . Ndakarara kudaro ndakabva ndatanga kurota ndichiona ruoko rwemunhu rwuchisvinira chinhu chandisina kunyatsoona kuti chaive chii mundiro yaive nerice . Ndaiita kunge ndaiita zvekudongorera kuti ndinyatsoona nekuti ndaiita kunge ndaive nechekure . Munhu uya achipedza kusvinira zvinhu zviya akabva asundira ndiro iya kwandaive kuita sekuti aipa ini dzinova ndidzo nguva dzandaitopepukawo ndichinzwa kuzunungutswa . Ndakamuka ndichivhunduka nekuti ndaive ndafunga kuti pamwe aive Nyasha aive adzoka kuchikoro . Kutaura chokwadi ndakavhunduka nekuti ndaive ndatozviudza kuti ndaive ndarara zuva rese ndisina kumbobvira ndamuka . Pandakamuka ndakawana vari vamwene vangu vakatotakura tray kuratidza kuti vaive vatodzoka kwavaive vaenda kunotsvaga zumbani vachibva vatouya vakubika ini ndakangorara chete ?, kutaura chokwadi ndakazvinyarira ndikashaya pekupinda nenyadzi . Uku ndiko kwaive kunyadzisa kwemhando yepamusoro chaipo. "Matodzoka mama ?" Ndakadaro nenyadzi vachibva vati " handina kumbosvika ndichimira ini . Ndariwana pedyo apo panoperera munda ndichibva ndatodzoka . Ndauya nechikafu ichi kuti udye mwana angafe nenzara " vakadaro vachigadzika tray pamubhedha vachibva vavhura ndiro yacho . Hana yangu yakarova pandawana riririce raive nemachuncks zvaifanana exactly nezvandaive ndarota . "Chii chirikuitika?" Ndakazvibvunza mumwoyo but mhinduro ndakaishaya . Problem ndeyekuti ndaive ndangoratidzwa ruoko chete ndisina kuona munhu wacho kuti aive ani ?. Kutaura chokwadi ndaive ndave confused zvekuti ndakashaya zvekuita . "Aaaa mangozvinetsa henyu mama nechikafu . Handina nzara ini dumbu richiri rakazara neporridge riya rekuseni " ndakati regai ndiirambe zvakangwara zvisingaite kuti vazotsamwa vati akaramba chikafu chandaive ndamubikira . Kutaura chokwadi chaive chakabikwa zvakanaka chikafu ichocho zvekuti dai ndaive ndisina kurota hope idzodzo pamwe dai ndakadya but chandakaramba kutora risk . Mungandishore zvenyu hama dzangu kana kundiona semunhu asingatendi but dai ndaive ndisina nhumbu ndaizogona kudya . Mbuya Muchemwa vaive vataura pachena zuva riye kuti Nyasha haangaiti mwana iye achiri mwanawo . Zvino ipapa ndaitofanira kuita zvinhu zvangu ndakachenjera . Hope ndaive ndadzipiwa pachena though ndisina kuoneswa munhu wacho but iko kutongoti ndarota rice richisvinirwa chandisina kuona ndoti ndichimuka ndobva ndapiwa rice rakadaro zvakare ndakaona zvisina kana nemusoro wese . Ndaifanira kugara ndakachangamuka . Munhu anokuisira mushonga wekubvisa nhumbu muchikafu ikabva achiitira kuti kana inenge yabva anenge akuwana madzingiro aangakuita achiti nekuti mimba yawaive wakagarira pano haichisipo ." Aiwa haungadaro ka nhai Mamoyo . Chokwadi ungati ndaita rudo rwakadaro rwekukubikira nekukuvigira kuti uzodya wondidaro ?. Asi une zvaunoshora here pandiri kana kuti unofunga kuti pamwe ndinogona kungokuuraya ?" Vakabvunza ndichibva ndamhanyira kuti " aiwa mama musadaro . Kungoti kubva zvandaita nhumbu iyi amwe mazuva ndirikungoti kana ndikadya ndinofufutirwa zvichienderana nechikafu chandinenge ndadya saka kuti musazoone sekuti ndatambisa chikafu regai ndichichichengetere muno ndigozodya hangu kana ndanenzara " Ndakadaro vachibva vati " uchadya zvenguvai nekuti ini ndanga ndichida kuti udye izvozvi vana vechikoro vasati vadzoka nekuti handina kuvasiira chikafu vasazofunge kuti pamwe handidi kuti vadye chikafu chakanaka saka ndinoda kuti kana unenge wadya ndobva ndatora ndiro ndosuka " vakadaro ndichibva ndati :chero after an hr mama ndinodya " ndakapindura vachibva vati " usarege . Ndichazenge ndichiuya kuzotarisa kana unenge wadya " vakadaro vachibva vabuda . "Ummm kutaura chokwadi hapana kundijekera zvachose apa . Zvakamboitikepi nhaimi kuti munhu anomanikidzwa kudya chikafu asingachide ?, izvo zvaimeka sense here kuti zvinzi rice rinobikirwa ini ndega vamwe vasingadyi?. Kunyima nechimuzukuru chavo ichocho Loca chavaida kudaro ?. Hameno kuda ndaive ndichifungira zvisiri izvo hangu but kutaura chokwadi paive pasina kujeka . Pavakabuda ndakanomira pahwindo ndakatarisa ndokuona vachitora rupasa vachibva vaenda ndokunowaridza pamuti waive pakati nepakati peyard zvekuti chero dai ndaiti ndinoda kubuda ndinoteura zvaisaita zvachose . Ndakatura mafemo ndakamira panzvimbo imwechete ndichishaya zano rekuita . "Kuti ndidye then kana ndapedza ndonwa weti?" Ndakazvibvunza mubvunzo but mwoyo wangu wakatya zvakare ndakufunga kuti ko kana yaive poison chaiyo chii chaizotika nekuti weti chainofumura zvinhu zvine huroyi chete . Kana waizoti wadya nduru yengwena wobva wanwa weti waizongofa wakatemba . Kutaura chokwadi ndaive ndave parumananzombe chaipo . Ndichiri ndakamira ipapo ndichishaya zvekuita ndakazonzwa vakuti " ko iwe wadzoka nguva dzino hanzi chii ?" Ndakanzwa vachidaro ndichibva ndanzwa " ndirikunzwa musoro " Aive Nyasha aitopindura achiuya kubedroom ndichibva ndamhanyira kunogara pasi . "Aiwaka Nyasha . Haungatauri zvekuti wanzwa musoro uchibva wadzoka kumba . Zvakamboitika kupi izvozvo ?, wakatanga rini kuenda kuchikoro Nyasha ?, une chero zuva rimwechete here rawakambodzoka kumba uchiti warwara ?. Kunei kuno ?" Vakabvunza vachitevera kumashure achibva aramba akanyarara achipinda mumba . "Hausi kunzwa zvandirikutaura here Nyasha ?, ndati chikonzero chaita kuti udzoke ndechei ? " vakabvunza ndichibva ndati " ko iwe wadzokerei nhai Nyasha ?' Ndakabvunza achibva ati " handisi kunzwa mushe , ndokumbirawo uswedere uko ndimborara " aidaro achitokwira pamubhedha apedza kubvisa bhutsu ndokubva mai vake vati "hauna kuvata kwauri kuita Nyasha . Haungaiti zvekutamba nechikoro nekuti waita mukadzi. Kana zvakadaro zvirinani ndifonere baba Marina ndichivaudza kuti wakuita zvekutamba nechikoro nekuda kwemukadzi . Unoda kuita rombe here iwe ?" Vakabvunza ndokubva Nyasha ati " saka murikuda kuti ndigare kuchikoro ndichinzwa musoro here mama ?, ndinodzidza sei musoro uchitema ?. Kana muchiti ndinonyepa fonai ka kuchikoro mubvunze kuti handina kupiwa tsamba here yekuti ndidzoke ?. Yazongove mhosva nekuti Mamoyo aripano ?. Ayo mapiritsi andabva nawo kuclinic ayo andanzi ndinomwa after ndapedza kudya " Akadaro ndichibva ndati " pane chikafu chandanga ndabikirwa namama pano chandanga ndisati ndadya . Mirai ndikupei icho muwane kumwa mapiritsi. Ini handisati hangu ndanenzara " ndakadaro ndichisimuka ndokubva mbuya Muchemwa vati " unoda kumupa chikafu ichocho kuti zviite sei ?, hanty ichocho ndechako ?, iwe idya ichocho then ini ndichanopakurira Nyasha chake " vakadaro ndokubva Nyasha ati " ko chine basa reiko mama ?, inga ataura kuti haasati ave nenzara wani ?, ndipe kuno ndidye Mamoyo . Iwe kana wane nzara uchanotora changu ichocho wodya " Akadaro achigara pamubhedha ndokubva ndamugamuchidza ndiro yacho sezvo ndaive ndagara ndakatoibata .STORY#15 ~ Chapter 19 Moses naRevo vakanga vawirirana kuti vachatanga kusvika kwatete kuzaka then vozoenda natete kunoroora kana varoora vozokumbira baba vaRevo kumbogara pamba pavo kwemazuva mashoma vachigadzirisa zvinhu zvavo nekuti zvaiva zvisati zvamira zvakanaka. Tete vakavatsigira nekuti vakatoona kuti kurikubviva kunenge hakuna kumira zvakanaka. Vakaenda kwaChoi ndiko kwavakasvikira sevakuwasha then Choi akabva atanga kufambisa nyaya dzacho apa baba revo vaiva vakatarisira kuti vachauya nemhando nemhando dzemota sezvo vanemari. Mozie akazvimiririra akanga asinakana umwechete umwe wehukama anomira naye... chaingova nacho rutsigiro rwaRevo chete, pane pamwe mozie varimunzira kuenda kunororoora akatombo chema asi Revo akamunyaradza akamusimbisa akati zvinofamba zvakanaka. Akatapudza roora zvirinane Mozie nekuti akagumira kubvisa pa7,500k nekuti aibhajetera kuzochrngetawo mukadzi wake aisada kuti revo ashupike semashupikiro akanga amboita kumashure uko. "Ndakufadza ka handi ndizvo zvawaichemera urimuchapatara here babe" akadaro Mose pavanga vaudza munyayi kuti tagumirwa zvasara tichapedzisa munyai akati hazvina kuipa kuroora hakuperi "Mandifadza Mhofu zvisingaiiti hameno ndichakuitirai chii?" Vaitaura vava munzira kunopinda havo mumusha sezvo vanga vapedza. "Mai mhofuka iwe ndatokutora iwe ndikunzwe uchitaura zvisina basa futi aka kungochema chema " akadaro mozie achibata ruoko rwaRevo varimukufamba imomo.. "Ndakutoonawo kuti zveshuwa uripakurevesa Mozie ndaikutorera pasi kubva zuro patakabva kuGweru paya" akadaro revo "Nesaka wakaramba madek...." akatadza kupedzisa mozie nekuti tete vakabva vadanidzira vaiva mberi "fambisai mainini nabamunini takusvika pamba" vakabva vafambisawo kunobata vana tete vaiva mberu. Vakasvika Mozie akabatsirwa naChoi kuombera maoko nekuti paiva pasina chinozikamwa zvose aitotungamirwa nemunyai. Vakanogariswa pasi mumba ndokuchitanga kubvunzana mufaro nekupanana maintro vanhu vose vaivapo vaingonetseka kuti ko sei mukwasha angouya arioga pasina kana umwechete hake chero shamwari zvayo. Asi baba Revo vakangofarira kuti mwana wavo avasadisa kuenda nemimba kumuridzi chaiye kutosvika pakubvisirwavo chero vaiziva kuti murume wemunhu. Vakapiwa chikafu vakadya vakaguta zvavo vamwe vose vaiva vadaniwa vakazoenda kudzimba dzavo kukasara varidzi vemusha chete nemukuwasha wavo "Saka nhaiwe baba tino, magofamba nemabag kwakanaka here ko sei usina kuuya nana mudhara vako " "It's a long
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,920
|
shona_story_9
|
Shona Story 9
|
STORY By tete Manjex (Mai Mike) Chapter 13. Zvakasvika mbuya Muchemwa muimba yavo yokuvata vaiita kuzuzuma nehasha . Vaiita kushaya pekubata zvekuti chero foni vakatomboikandira pamubhedha nekuti yaitosheka iri mukati meruoko rwaibvunda . Nhaimi vagonotaura vachiti chii kune vamwe vavo ?. Senhau yemarooro yaive isingatoite zvachose nekuti kubviswa kweroora kune munongedzo wekuti munhu agamuchirwa mumusha . Seiyi ndiyo yavakanyatsoziva kuti vaizoidyirwa nevamwe vavo zvikave pasi . Plus chero dai zvaisave zvemhiko chaizvo , Shumi vaive vasiri kutoda zvachose kuti aite muroora wavo . Vaona kuti vaive vave a bit calm vanobva vazosimudza fon vakubhipa baba Marina . Vakatobhipa havo fon yababa Marina yatogarawo iri mumaoko vachida kutovafonera saka vakabva vangofona back ipapo ipapo " mbuya Marina " vakangotanga nekudaro ndokudaro mbuya Muchemwa vati " ko zvandanzwa kuti wati unoda kuzobvisira chisikana chiri kunyepera Nyasha kuti chine mimba yake , ichokwadi here baba Marina?" Vakangotanga nekudaro chero nekumhoresa vasina ndokubva baba Marina vati " nhai mbuya Marina , mabva matadza chero nekubvunzawo mufaro here ?" Vakadaro vachiseka ndokubva mbuya Muchemwa vati " ndinobvunza mufaro sei imi muchindinyenyeredza panhau dzakakosha nhai Wiriyamu?, unoreva kuti ungade kunoroora njapisi iya usingatangi wataira neni ? Handina kufara nezvawaita zvachose baba Marina . Nekuti baba venyu vakafa hazvisi izvo zvingaite kuti mundicharike ini. Handidi zvachose kuti mwana iyeye abvisirwe chinhu . Ngaadzokere asina nekuti yagara mimba yacho haitozi yaNyasha . Kahure kamwana aka . Handifungi kuti muno muraini kune murume waasina kuvata naye ini . Varume vevanhu zvese nezvikomana zvemombe zvinenge zvichitanga kuziva mukadzi zvinomuzivira paari . Kakatsveruka kani handisi kuda kukunyepa . Imhiripiri yakamera pamusiwo webhawa yekuti anopfuura wese anenge achitanha" Vakapedzisa vachidaro ndokubva baba Marina vati " ummm mhai " vakadaro ndokubva mbuya Muchemwa vati " kuti umm mhai urikuda kuedza kuti ndirikureva nhema here Wiriyamu ?" Vakabvunza ndokubva baba Marina vati " handina kudaro mhai " "Saka wati chii ?" Vakabvunza nehasha ndokubva baba Marina vati " mhai Nyasha ati mukadzi wake anomuda . Imi munoti nyasha angapuse zvekudaro zvekuze apiwe mimba isiri yake ?, ndamubvunza nezvazvo ini akandiudza kuti ari ari 200% sure kuti mwana ndewake . Kana imi musingagutsikani hazvina kuipa mhai tichati kana mwana azvarwa tomuendesa kumichina onoongororwa kuti ndewake here zveshuwa Nyasha . Kana anenge asiriwo hapana chakamboshata vanongotidzosera zvinhu zvedu saka hapana chekutya apa " Vakapedzisa vachidaro ndokubva mbuya Muchemwa vati " michina handiivimbi ini yagara inonyepa. Haasi Dengu akaendesa chana chake chokupedzisira chokufanana naMuranda chine guma guru kufanana bambo ichi nemeso matsvuku anenge egudo but akasvika achingoudzwa kuti ndechake but munhu wese chero bofu chairo richingoona kuti chimwana chaMuranda . Izvo musatombobvire mazviedza henyu nekuti handidi kana kuzvihwa . Mwana uyu ngaadzosegwe kwavo anopengera kwaakaroiwa uko kwete pano pangu . Apo kagoti kuchenama . Kanondirembedza pano zvekuti ukawana kachindiudza magara mwoyo apa unondihwira tsitsi iwe . Handidi zvangu ndisingade. Kana munenge muchitoda kuti agare ini ndinenge ndakutobva pano ndodzokera kumusha kwangu iye osara pano . Hanty munenge maona kuti ndiye akakodzera ?. Vakadaro ndokubva baba Marina vati "aiwa mhai , zvimwe zvacho itai muchinzwisisa . Kuvaparadzanisa ivo vagara vachidanana hapana zvatinenge tagona. Ngativasiyei Vakadaro. Kana vachizonetsana ngazvizoitwa isu tisimo mukati asi chatisiri kuzorega kubvisa pfuma . Tiri vanhu vanoremekedzwa isu saka hatidi kuzosvibisirwa zita redu , apo kuvanhu vatinenge takagarisana navo muraini zvakare . Kana munenge muchiona kuti hamukwanisi kugara naye better ndimukwidze auye kuno ozorindira murume wake arikuno " Vakapedzisa vachidaro ndokubva mbuya Muchemwa vati " kuuya ikoko kupi ?" Vakabvunza nevoice raive pamusoro rakazara kukahadzika kukuru kwazvo ndokubva baba Marina vati " kuno kwandiri chaiko " vakapindura ndokubva mbuya Muchemwa vati " une shuwa Wiriyamu kuti unoda kukwidza mutogwa asina zvaakambokuitira ndege kuti auye Hingirandi ini mai vako vakakubereka usina kumbondikwidza ?, ndati une shuwa here Wiriyamu?" Vakadaro nenzwi remunhu aida kuchema ndokubva baba Marina vati " ummm mhai , sei muchingotaura zvimwe zvinhu sekuti muri mwana mudiki imi? . Kangani kamakakumbirwa namai Maurine kuti muzoona vazukuru muchiramba imi muchiti munotya kukwira ndege ?. Kusvika mai Maurine vatombokwira kuuya ikoko vachifunga kuti pamwe munotya kungokwidzwa moga mouya saka maybe kana vakavepo munogona kubvuma asi makasvika muchiramba mhai apo munhu atambisa mari . Saka zvese zvamuri kutaura izvozvo murikuzviwana kupi ?, sei muchifarira kunyepa mhai ?" Vakadaro ndokubva mbuya Muchemwa vabata gotsi nemaoko maviri ndokuibongora mhere ndokubva baba Marina vadropper nhare yavo . Vachipedza vanobva vabaya nhamba dzabamnini vavo munin'ina wababa vavo aive akavakira kuBindura . Vaive vagara vachida hama baba Marina zvinova zvaikonzera kuti naMwari vavakomborere . Vaiitira munhu wese zvakanaka pasina kusarudza kuti ndiani?. "Wakadii hako mwana? " vakakwazisa ndokubva baba Marina vati " ndinofara baba makasimba here nemhuri ikoko?; nhasi ndafonera kunetsa" Vakadaro vachiseka ndokubva bamnini vavo vati " iwe unonetsa here Wiri ?, chero chawada nguvai ndinokuitira . Unotiitira zvakawanda mwana wemukoma wangu zvekuti ndinonzwa kudzamirwa kana ndikazvifunga . Vashoma vanhu vakaita sewe . Mhuri zhinji dzinovengana asi iri mhuri imwechete . Chero mari yaunotitumira dai ari umwe asingazviiti achiti ndinozoroiwa . Kurevesa chaiko zvichibva pakadzika dzika pemwoyo wangu ndinoti Jehovha vekudenga ngavagare vachikuitira zvakanaka . Paunobvisa kamwechete uchipa munhu , ivo ngavawedzere kagumi . Kunzwisisa kwako kunondipa manyemwe mwana wemukoma wangu " Vakadaro ndokubva baba Marina vati " iii musadaro baba munondichemedza . Vakuru vakati chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa . Handikwanisi kuti ndibatsire vatorwa imi hama dzangu muchivata nenzara . Varungu vanoti charity begins at home saka yaa ; kana zviripo tinobvisa . Nhau hombe yandanyanya kufonera ndeyekukumbira kuti kana muri free ndikukwidzeiwo muende kumusha. Mukomana mudiki uyu Nyasha akatizirwa saka ndanga ndichida kuti muende naye anobvisa . Zvino mai varikuramba havasi kuda musikana wacho apo akazvitakura " Vakadaro ndokubva bamnini vavo vati " asi zvimwe zvinoitwa namaiguru so ?, iye mwana kana achida munhu wake anombodziviswa here ? . Zvekusarudzira vana munhu wekuroora kana wekuroorwa naye zvaive zvakare zviya . Iyezvino vana vanoita sarudzo dzavo vega . Kana vachidanana ngavavasiye. Watogona mwanangu wafunga semunhu mukuru . Hanzi ndewekwani mwana wacho ?" Vakabvunza ndokubva baba Marina vati "ihanzvadzi yaMukudzeyi uya wekusiiwa ari mucheche achibva akuriswa naMuku nemudzimai wake . Nhaimi ndiudzei kuti nekunyarara kwakaita Muku kuya vanoda kumupa stress yakadii ?, zvimwe zvinoitwa namaiguru venyu zvinosvota kutaura chokwadi. Izvozvi ndacutter voridza mhere nekuti ndanga ndati kana vasingamudi pamba zvirinani ndimuunze kuno . Kutaura chokwadi mamwe maitiro anomboita mai anosvota. Vanoda attention zvinobhowa . Hanzi ngatingomudzoserai asina chinhu nekuti mwana wacho ihure . Hameno kuti zvose izvozvo vanenge vachizviona varipai ?" Vakadaro ndokubva bamnini vavo vati "aiwa Wiri , zvakaita panyaya iyi maiguru hativasekereri zvachose . Kana mwana iyeye akaona chaanoona ari pamba paya tinozivisa ani hama dzake dzisina kuziviswa ?, iko hanty hanty unoona kuti kumwe kwacho kungofunga sepwere ?, chero zvikanzi afa chaiko , ngozi inouya mumusha maani ?, inopukuta rudzi rwedu rwese ivo nehama dzavo vari pasafe safe side . Panhau iyi chero neni tingatokonana chaiko. Iko chero zvikanzi chii ?, kune munhu anodzoswa mahara iye agara atombotizira here ?, sei vachiita kunge vasingazivi Shona maiguru munhu akangokurira kwaChivi kune murawu wakasimba kudaro ?, kurevesa chaiko ngavasadaro . Iwe chingotumira mari chete chinyararire ndikwire ndiende ndonobvisa ini . Kana usingandivimbi unogona kutumira chero iye mukomana Nyasha ndongonowana iriko tosvika tichienda . Haaa uko ndiko kwatinoendazve madhongi achikuma " Vakadaro ndokubva baba Marina vati " ndinotenda zvikuru baba nekunzwisisa kwenyu. Mari ndichatumira kwamuri ipapo . Ndichatumira iri $3000 yemarooro chete then yenyu yebhazi . Ndanga ndati Nyasha atore mombe nhatu mudanga but hazvichatoiti andibhowa mukadzi wenyu . Monosvika motora shanu moenda nadzo . Zvagara ndedzangu dzese dzakazara danga dziya . Pamwe iye Nyasha ndiye achatotangawo nemukomana isu kuno zvevakomana zvaramba " Vakadaro ndokubva bamnini vavo vati " rambai muchizama vanouya mwanangu " vakazotaura havo dzimwe nyaya ndokubva vaonekana nhare ndokudimbuka. Pavakapedza kutaura nabamnini vavo baba Marina vanobva vafonera sekuru vavo vaive ndivo vaive vakuru kumba kwana mai vavo . Vaive vatochembera zvekuti but vaive vachiri kufamba havo . "Sekuru handisi kufara nemuitiro wehanzvadzi yenyu " vakadaro mushure mekubvunzana mufaro kwakubva sekuru vati " vaitei zvakare gwendo guno ?" Baba Marina vakarondedzera zvese zvaive zvaitika vachibva vazopedzisira nekuti " zvinobhowa sekuru kuti kana vaita zvinhu zvavo zvisina musoro izvozvi , ukaedza kuvatsiura vanobva vatanga kuchema vachiticurser vachiti ngozi yekwaGumbo muchaiona . Imhosva here asi sekuru kuzvarwa nemunhu wekwaGumbo ?, kuita sekuti vachatiitisa minyama kuno kusango kwatiri ?" Vakadaro ndokubva sekuru vati " aiwa havafaniri kudaro mai vako . Kutaura idi varikuita zvinhu zvakaipa . Rega nditovafonera izvozvi ndivatsiure . Aaa mhaimi munhu wepi ?, ndine hurombo muzukuru ,vanhu ngavanobvisa roora vakasununguka . Vagara mai Wiriyamu mutogwa mumusha menyu saka panhau dzakadai idzi musavasiye vachikutongai nekuti zvimwe zvacho mangwana zvinozonetsa imi " Vakakurukura nasekuru vavo ndokubva vawirirana havo nhare ndokudimbuka . Vaive vatopedza baba Marina . Support vanga vave nayo kubva kuna bamnini nasekuru vavo saka zvaive zvarongeka kuside kwavo . Pavakapedza kufonera sekuru vakabva vadzokera zvakare kuna Nyasha vachida kumuzivisa urongwa hwaive hwavepo uyo akangovadaira nekubvunzo wekuti " mukoma mavaiteiko mai zvovotora Roga hanzi regai ndimwe ndife musare mugarike ?" Akadaro nenzwi raive rizere kushungurudzika kukuru kwazvo ndokubva baba Marina vati " handina zvandavaita ini , varikurwira kuti musanobvise pfuma kumadzitezvara ako . Hanzi ipfambi musikana wacho mwana haasi wako " Vakadaro ndokubva Nyasha ati " iii manyeperwa mukoma. Nhumbu yaShumie ndeyangu zvisingambodi chero maDNA tests . Shumi ndakamuwana iri mhandara ini and mukomana wake kubva achiita musikana ndini chete . Musambonyeperwe henyu......" asati apedza zvaaida kutaura anobva anzwa Shumi achiti "Nyashaaaa !" Nevoice raive pamusoro achibva atodimbura nhare omhanya kwaive asheedzwa sezvo nguva yese aive apota seri kwemba .STORY#11 HER LIFE'S
|
shona
|
folktale
|
Zimbabwe/Bulawayo
|
Shinga321 Collection - 15 stories
| 1,563
|
README.md exists but content is empty.
- Downloads last month
- 27